Accessibility links

Breaking News

Zupco Inopihwa Mamwe Mabhazi Matsva Makumi Mashanu


President Emmerson Mnangagwa Commissions Zupco Buses 3
President Emmerson Mnangagwa Commissions Zupco Buses 3

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vaparura mabhazi matsva makumi mashanu akapinda munyika nezuro uye mabhazi aya anotarisirwa kubatsira mukupedza dambudziko rezvekufambisa iro riri kunetsa vakwanda munyika.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaMnangagwa vati pane mamwe mabhazi zana ari munzira uye vakurudzira Zupco kuti ibate mabhazi aya zvakanaka pamwe nekuona kuti afamba nenguva dzinorerukira veruzhinji.

Zupco yave nemabhazi anodarika mazana manomwe munyika yose.

Mabhazi aya anouya mushure mekunge makambani eZupco neNational Raialways of Zimbabwe aparura chirongwa chezvitima zvekutakura vanhu muHarare neBulawayo svondo rino.

Svondo rapfuura VaMnangagwa vakavhurawo matare matsva kuChinhoyi uyewo vakaparura zvirongwa zvitatu zvemombe dzimukaka kuMhondoro.

Asi vamwe vanoti kunyange hazvo zviri kuitwa naVaMnangagwa zvanakaka, vanoona sekuti vanofanira kusiira basa iri kumakurukota avo kana vamwe vashandi vakuru muhurumende.

Mumwe mugari wemuHarare aramba kudomwa nezita anoti mutungamiri wenyika anofanira kuvhura zvinhu zvikuru kuru chete.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti ndizvo zvino tarisirwa kuti mutungamiriri wenyika avhure zvinhu zvikuru asi vakati munyika hamuna budiriro ndosaka VaMnangagwa vachiwanikwa vachivhura kana zvinhu zvidiki diki.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Dr Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio7 kuti nyika yatarisana nesarudzo ndosaka VaMnangagwa vachida kuonekwa pese pese.

Asi imwe nhengo yevechidiki mubato reZanu PF, VaPeter Matange, vati hapana chakashata pane zviri kuitwa nemutungamiri wenyika vachiti vari kuzadzikisa zvavakavimbisa musarudzo dza2018.

Vaenderera mberi vachiti VaMnangagwa vari kusimudzira nyika kuti ifambirane nenyika dzese dzemuAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG