Accessibility links

Breaking News

VaMoses Mpofu naSoul Jah Love Vanovigwa muHarare


Pallbearers stand next to the coffins of three top government officials prior to their burial, at the National Heroes Acre in Harare, Wednesday, Jan. 27, 2021.
Pallbearers stand next to the coffins of three top government officials prior to their burial, at the National Heroes Acre in Harare, Wednesday, Jan. 27, 2021.

Vanga vari mutevedzeri wemukuru wemapurisa, VaMoses Griffiths Mpofu, pamwe nemuimbi wechidiki aive nemukurumbira, Saul Musaka, uyo aizivikanwa nerekuti Soul Jah Love, varadzikwa muHarare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachikurudzira veruzhinji nemapurisa kuti vatevedze gwara raVaMpofu avo vati vaive nerudo nenyika nebasa ravo.

Vachitaura parufu rwaVaMpofu avo vakashaya nemusi weChishanu chapfuura kuBulawayo, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatsanangura mufi semunhu aive akazvininipisa vachiti pakawana Zimbabwe rusununguko, vakapinda basa semupurisa vari pachinzvimbo chepasi pasi chaConstable kunyange hazvo vainge vakadzidzira basa iri kuhondo.

VaMnangagwa vati VaMpofu munhu aigona basa rake uye vakwidziridzwa kusvika pachigaro chemutevedzeri wemukuru wemapurisa vakawanawo mhenduru dzakwana dzekugona basa kusvika muna 2003 apo vakasiya basa.

Vati mapurisa anofanira kutevedza gwara rakafamba naVaMpofu uyewo vati hurumende yavo ichatsigira mapurisa nezvikwanisiro zvese kuitira kuti akwanise kuita basa ravo nemazvo.

Vaenderera mberi vachiti vana veZimbabwe vanofanira kudzivirira rusununguko rwavo urwo rwakaunzwa nevanhu vakaita saVaMpofu.

Vati nekuda kwekuzvipira kwevanhu vakaita saVaMpofu, Zimbabwe yakatora mapurazi evarungu uye hurumende yavo ichatora minda kune vasiri kuishandisa ichiipa kune vechidiki.

VaMpofu avo vange vave nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa, vakaenda kuhondo muna 1975 uye vasiya mudzimai nevana vana nevazukuru vatanhatu.

Kuhondo vaizivikanwa nezita rekuti, Matswata Witness Mhlanga.

Panyaya yeCovid-19, VaMnangagwa vati ivo nhengo dzedare ravo remakurukota vachabaiwa nhomba yekudzivirira denda iri uye hurumende yavo iri mubishi rekutsvaga mushonga wekuti wese anoda kubaiwa nhomba, abaiwe kuti azvidzivirire.

Zvichakadai Soul Jah Love uyo akapihwa ruremekedzo rwedunhu, kana kuti Povincial Hero, aradzikwa nhasi kumarinda eWarren Hills pachiitiko chapindwa nevatsigirri vake vakawanda vachityora mutemo wekudzivirira Covid 19.

Mazana nemazana awungana kumakuva eWarren Hills achiparadzana naSoul Jah Love uye vange vachitungamira chirongwa chekuradzikwa kwake, vatadza kudzinga vanhu kuti pasare vanhu makumi matatu chete sezvinodiwa nemutemo weNational Lockdown wekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vataura vakamirira mhuri yake, VaSolomon Musaka, vatenda mhomho yaungana nhasi vachiti kunyange hazvo varasikirwa nekushaya kwaSoul Jah Love,vasimbiswa nekufara nerudo rwakaratidzwa nevaimbi, shamwari, vatsigiri vake pamwe nehurumende.

Gurukota redunhu reHarare, VaOliver Chidawu, vange varipwo vakati kunyange hazvo vazhinji mumhuri yake vakange vasingatsigiri kuti aiite zvemimhanzi, vakoona tarenda rake abudirira pabasa rake.

Soul Jah Love akaimba dzimbo dzakawanda kusanganisira Pamamonya, Kana Ndafa, Dai Hupenyu Hwaitengwa nedzimwe.

Soul Jah Love akashaya nemusi weChipiri mushure mekurwara nechirwere cheshuga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG