Accessibility links

Breaking News

Zvirongwa zveMvura Zvakaparurwa naVaMnangagwa kuBulawayo Zvotarisirwa Kubudirira Rwendo Rwuno


Guta reBulawayo riri kutarisirwa kuwana mvura kubva kuNyamandlovu neGwayi-Shangani.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa nemusi weChina kuti matambudziko emvura aigarosangana neguta reBulawayo dzinenge dzave ndangariro sezvo guta iri rave kuzowana mvura inorikwanira nguva dzose.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya mushure mekukumikidza kwavakaita chirongwa chekuwanisa guta reBulawayo mvura kubva kuEpping Forest kuNyamandlovu, pamwe nekuparura chimwezve chirongwa chemvura, cheGwayi-Shangani.

VaMnangagwa vakatiwo pamusoro pekuwanisa Bulawayo mvura, zvirongwa zviviri izvi zvichawanisawo vagari mabasa pamwe nemvura yemadiridziro.

Hurumende inoti chirongwa cheGwayi-Shangani chinotarisirwa kupera mukupera kwegore rinouya.

Munyori anoona nezvemvura musangano rinomirira vagari vemuBulawayo, reBulawayo Progressive Residents Association, VaJoseph Nkomazana, vanoti sesangano havana kukokwawo kumabiko aya.

Asi vanoti sesangano revagari, vanotarisira kuti rwendo rwuno zvirongwa izvi zvave kuzobereka michero sezvo nyaya yemvura muBulwayo yave nemakore ichingotaurwa nezvayo asi pasina chinobuda.

VaNkomazana vanoti veruzhinji vanga vasisina chivimbo nezvirongwa izvi nekuti mumakore adarika zvirongwa zvekuwanisa Bulawayo mvura zvanga zvichishandiswa kutsvaga rutsigiro munguva dzesarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG