Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera Mumigwagwa muBulawayo Vozeya reMangwana Ravo


Byo Vendors
Byo Vendors

Vamwe vanorarama nekutengesa muBulawayo vanoti vanoda kuti kanzuru iwedzere nguva yayakavapa yekuti vabve pane imwe nzvimbo yavari kutengesera kuitira kuti vawane nguva yakakwana yekuenda kunzvimbo itsva dzavanofanirwa kutengesera vari.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa nevamwe vevanotengesa paGodini.

Vanhu ava vakapiwa kusvika pakupera kwemwedzi uno kuti vabve panzvimbo iyi apo pari kuda kuvakirwa nzvimbo inenge iine zvitoro nemahofisi ichange ichinzi EGodini Mall.

Kambani inofanirwa kuvaka nzvimbo iyi inofanirwa kutanga basa musi wa 1 Kurume, svondo rinouya.

Murongi wemabasa muBulawayo Upcoming Traders Association, VaVincent Donga, vanoti vaita musangano nekanzuru yeguta reBulawayo vachiiudza kuti vanoda kuwedzerwa mazuva.

Mumwe wevanotengesa paGodini, Amai Sekai Ndlovu, vabvuma kuti kanzuru yaive yavaudza kuti vanofanirwa kubva panzvimbo iyi uye kuti vakaudzwa nzvimbo itsva kwavari kufanirwa kunotengesera vari.

Asi vati vane kushushikana nekubva panzvimbo iyi nekuti vave nenguva vachitengesera ipapo uyewo havana chokwadi chekuti kwavanonzi vaende kwacho vachange vachiwana vanhu vanovatenga vakawanda here sevavaichiwana paGodini.

Munyori mukuru weBulawayo Upcoming Traders Association, VaDumisani Ncube, vatsigira kuti vanotengesera paGodini vanoda kuwedzerwa nguva yekubva panzvimbo iyi nekuti vakanonoka kuudzwa kuti vanofanirwa kubva.

Vati sezvo kutengesa kuri iko kunopa raramo kuvanhu ava, kubviswa kwavo hakufanirwe kuti kuitwe zvechimbi-chimbi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri wekanzuru, Amai Nesisa Mpofu, kana kubva kuna meya, VaMartin Moyo, sezvo vange vachinzi vari mumusangano.

Asi kanzuru yakazivisa gore rakapera nezvekuvakwa kweGodini Mall uye kuti vanotengesa vari panzvimbo iyi vaizofanirwa kubva.

Kana yapera kuvakwa EGodini Mall inonzi ichavewo nenzvimbo itsva yevanorarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana-siyana.

Nzvimbo yeEGodini Mall inotarisira kuvakwa nemari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu emadhora.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG