Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri waMeya weBulawayo, VaKambarami, Vanoitwa Kafira Mberi


VaTinashe Kambarami, vanove mutewedzeri wameya weguta reBulawayo, vanoti vakapambwa vakatochwa pamwe nekuchekwa bvudzi nechidimbu chebhodhoro.
VaTinashe Kambarami, vanove mutewedzeri wameya weguta reBulawayo, vanoti vakapambwa vakatochwa pamwe nekuchekwa bvudzi nechidimbu chebhodhoro.

Mutevedzeri wameya veBulawayo, VaTinashe Kambarami, vanoti vakapambwa neMugovera usiku pamba pavo kuBulawayo vakashungurudzwa kwazvo nevarume vanodarika gumi vaive vakazvivhara kumeso, uye vakapakata zvombo zvehondo.

VaKambarami, avo vati vari mune chimwe chipatara muBulawayo makare, vanoti vakashungurudzwa kuburikidza nekurohwa muviri wese pamwe nepasi petsoka, uye vakavagera mhotsa dzavo vachishandisa chibedu chebhodhoro.

Vanoti varume ava, avo vavanofungidzira kuti vasori, vaivabvunzurudzawo pamusoro pehurongwa hwebato ravo reMDC hwekuda kuratidzira muBulawayo.

VaKambarami vanotiwo havasati vakwanisa kunomhan’gara nyaya iyi kumapurisa sezvo vachiri mune chimwe chipatara muBulawayo makare.

Studio 7 haina kukwanisa kuona kuti VaKambarami vakakuwara zvakadii.

Hurukuro naVaTinashe Kambarami
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG