Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inovakira Dzimba Vana Chiremba neVakoti


Zimbabwe doctors demonstrations
Zimbabwe doctors demonstrations

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vatambidza gurukota rehutano, VaConstantine Chiwenga, dzimba dzemachiremba kuMarimba muHarare vachiti dzimba idzi dzakavakwa pasi pechirongwa chehurumende chekuona kuti vana chiremba, vakoti nevashandi vehurumende vagara zvakanaka.

VaMnangagwa vati vana chiremba vari kuita basa rakakosha zvikuru panguva ino yedenda reCovid-19 uye kuvapa dzimba ndezvimwe zviri kuitwa nehurumende kuti vashande vachifara.

Vati dzimba dzekuMarimba dzakavakwa pasi pechirongwa chehurumende chekutanga chekuvakira vanachiremba, vakoti nevamwevashandi vehutano dzimba vachiti chikamu chechipiri chichaona hurumende ichivaka dzimba nezvimbo dzekutandarira pazvipatara zveSally Mugabe muHarare neIngutsheni kuBulawayo.

Pasi pechikamu chechitatu, hurumende ichavaka dzimba kuzvipatara zvemumatunhu ese munyika.

VaMnangagwa vashandisawo chiitiko chanhasi kuparura hwaro hwekuvaka dzimba munyika kana kuti National Humans Settlement Policy.

Vati pasi pehurongwa uhwu vanhu havasi kuzobvumidzwa kungovaka pese pese vachiti dzimba mumadhorobha nemaruwa dzichange dzave kuvakwa pachitevedzwa gwara rebazi ravo rinoona nezvedzimba.

Vaenderera mberi vachiti vaye vanopa nzvimbo dzekuvakira dzisiri dzavo kana kuti maLand baron vachasungwa.

VaMnangagwa vakurudzira vemabhanga, makambani akazvimirira emuno neekunze kuti atsigire chirongwa chehurumende yavo chekuvakira vanhu dzimba.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa havafaniri kugumira mukutaura chete vachiti bato ravo ndiro rine maLand Baron munyika yese.

Mutauriri weMDC-T, VaWitness Dube, vaudza Studio 7 chavanoda kuona hurumende ichiita zvainenge yataura vachiti pane zvirongwa zvakawanda zvakaparurwa nehurumende asi zvisiri kutevedzwa.

Panoda kuvakwa dzimba miriyoni nezviuru mazana maviri senzira yekuti munhu wese awane pekugara pakanaka munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG