Accessibility links

Breaking News

Build Zimbabwe Alliance Inoti Haisi Kuzobatana neMamwe Mapato Musarudzo


Doctor Noah Manyika
Doctor Noah Manyika

Mutungamiri webato rinopikisa reBuild Zimbabwe Alliance, BZA, Doctor Noah Manyika, vanoti bato ravo harina kubatana nemamwe mapato anopikisa kana kupinda mumibatanidzwa iripo nekuti hazvisi kuoneka kuti mapato aya akamirirei uye kuti gwara nezvinangwa zvavo ndezvipi.

VaManyika vanoti bato ravo ndiro rega rine gwara uye ndiro rakatanga kubudisa gwaro regwara nevimbiso yaro kuvanhu izvo zvavanoti zvave kutevedzerwa nemamwe mapato.

VaManyika vanoti chinangwa chebato ravo ndechekukwikwidza munzvimbo dzese dzeparamende, seneti nekanzuru.

“Mukatarisa ‘manifesto’ yedu, muchaona kuti zvakasiyana nezvinoda kuitwa nemamwe mapato. Tinotaura isu kuti tichabvisa mamwe mapazi ehurumende aripo akawanda wanda asina basa raarikuita, akangosikirwa chete kuti shamwari dzevanhu varikutungamira vawane mabasa; tinoabvisa iwayo, toita mapazi ehurumende gumi nemashanu chete,” VaManyika vaudza Studio7.

Kunyange hazvo VaManyika vasiri kuda kupinda musarudzo vakabatana nemamwe mapato, nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti mapato anopikisa anofanirwa kubatana kuitira kuti akunde Zanu PF zvine mutsindo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG