Accessibility links

Breaking News

Britain Inoshevedza Mumiriri weZimbabwe neNyaya yeMhirizhonga


Britain inoti haisi kufara nekushandiswa kwechisimba nehurumende yeZimbabwe.
Britain inoti haisi kufara nekushandiswa kwechisimba nehurumende yeZimbabwe.

Gurukota reBritain rinoona nezvekudyidzana neAfrica, amai Harriet Baldwin, nemusi weChina vakadaidza mumiriri weZimbabwe muBritain, Rtd. Colonel Christian Katsande vakavaudza kuti nyika yavo haisi kufara nezviri kuitwa nemauto zvekupfura vanhu nepfuti.

Amai Baldwin vakati mauto anofanirwa kushanda zviri pamutemo kunyangwe hazvo vanhu vari kuratidzira vamwe vachinzi vari kuita zvemhirizhonga. Britain inoti hurumende haifanirwewo kuvhara masaisai einternet, uye inoti iri kukurudzira kuti hurumende ivhure masaisai aya nekuchimbidzika.

Amai Barbara Nyagomo vebato reProgressive Democrats of Zimbabwe uye vachigara kuLondon kwakare kuBritain vanoti Britain inofanirwa kutsanangurira VaKatsande kuti vana veZimbabwe vane kodzero yekuratidzira kana vachipokana nezvavanenge vasingawirirane nazvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano reEuropean Union riri kushoropodzawo kushandiswa kwechisimba nehurumende yeZimbabwe munguva yekuratidzira kwevanhu.

Mugwaro ravakaburitsawo nemusi weChina, mutauriri wesangano iri, Amai Maja Kocijancic, vakati vanotarisira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzevanhu pamwe nemutemo, sezviri mubumbiro remitemo.

Sangano reEuropean Union rakakurudzirawo kuti paferefetwe zvakadzama kufa kwevanhu pamwe nekushungurudzwa mumazuva adarika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG