Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Chiri kuBritain Chinopona Kubva kuCovid-19


Vakawanda vanobva kuZimbabwe vari kushanda mune zvehutano kunyanya kuBritain, vari kusangana nedambudziko rekubatwa nechirwere cheCovid-19, vamwe vachitorasikirwa nehupenyu.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuBritain chinoti chiri kushamisika kuti chakapona sei kubva kuchirwere charura pasi rose che Covid-19, mushure mekunge chavhiringwa nedenda iri.

VaPeckson Paul Kazingizi, avo vanoshanda mune zvehutano kwakare kuBritain, vanoti vakatanga kusanzwa zvakanaka musi wa 17 Kubvumbi, vakazovhenekwa musi wa 19 izvo zvakazoita kuti vawanikwe vaine chirwere ichi.

VaKazingizi, avo vanofunga kuti vakawana chirwere ichi mukuita basa ravo, vanoti vakazomhanyiswa kuchipatara asi hazvina kunyanya kuvabatsira, izvo zvakazoita kuti mudzimai wavo, uyo anove mukoti pachipatara ichi, akumbire kuvapepa vari kumba.

Vave kumba VaKazingizi vanoti vakagadzirirwa mishonga yakasanganiswa zvinosanganisira garlic, lemon, tsangamidzi nezvimwe, yekuti vanwe pamwe nekunatira. Vanoti vakanyikwawo mumvura ine munyu izvo vanoti vanofunga kuti zvakavabatsira chose nekuti vakanga vabatwa nechando chakasimba.

Sezvineyiwo, VaKazingizi vakazopona, asi vanoti chikuru chavanoda kuita kutenda vose vakavaitira minamato pamwe nemudzimai wavo, uyo vanoti akamira navo munguva yakanga yakaoma kudaro.

Pamubvunzo wekuti vachada here kuramba vachishanda muboka rezvehutano, VaKazingizi vanoti "tsuro haiponi rutsva kaviri."

Vanoti pfungwa dzavo dzatove mukuti vamboedza zvimwe zvakaita sekurima vachiti dai vakakwanisa kuwaniswawo munda nehurumende, vadzokera zvavo kumusha kunoshandira nyika variko.

Hurukuro naVaPeckson Paul Kazingizi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG