Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ofarira Kuderedzwa kweMutengo weKuvhenekwa Gomarara neCancer Association of Zimbabwe


Mwedzi waGumiguru mwedzi wekurangarira chirwere chegomarara remumazamu.
Mwedzi waGumiguru mwedzi wekurangarira chirwere chegomarara remumazamu.

Madzimai muHarare vari kutambira nemufaro kuderedzwa kwemari yekuongororwa gomarara remazamu kusvika padhora rimwechete rekuAmerica neCancer Association of Zimbabwe.

Amai Tariro Muzambiringa, avo vane makore makumi mana nemaviri ekuberekwa vanoti nekuda kwekudhura kunoita kuongororwa gomarara remazamu vanogaromirira mwedzi waGumiguru kuti vaongororwe sezvo mamwe masangano akadai seCancer Association of Zimbabwe achideredza mari dzinobhadharwa.

Izvi zvatsigirwawo naAmai Ruvarashe Churu avo vanoti vakatoongororwa mazamu nedhora rimwechete. Amai Churu vanoti nekuda kwekuti vanoziva kuti kana munhu wave nemakore anodarika makumi mana mukana wekubatira chirwere ichi wakakura, vakaona zvakakodzera kuti vaongororwe gomarara remazamu.

Kuti munhu aongororwe mazamu kazhinji kuCancer Association of Zimbabwe vanenge vachida madhora mashanu asi muripo uyu unoita uchikwira kuzvipatara zvakazvimiririra kubva pamadhora gumi zvichikwira.

Mutauriri weCancer Association, VaLovemore Makurirofa, vanoti senzira yekupemberera mwedzi unocherechedzwa chirwere chegomarara remazamu, vaderedza muripo kusvika padhora rimwechete.

VaMakurirofa vanoti zvakakosha zvikuru kuti vanhu vaongororwe nazamu pasati pave nezviratidzo zvegomarara iri vachiti kuongororwa nekurapwa gomarara remazamu radzika midzi zvinodhura zvakanyanya.

VaMakurirofa vari kuyambirawo vanhurume kuti vatore mukana wemwedzi waGumiguru kuongororwawo mazamu vachiti gomarara iri rinobata vanhukadzi nevanhurume.

Mwedzi waGumiguru ndiwo unocherechedzwa chirwere chegomarara remazamu gore negore.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG