Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeChingwa neZvimwe Zvinhu Inokwira


Vanhu vakawanda mudunhu reMashonald West pamwe nedzimwe nzvimbo vanoti havasi kufara nekukwidzwa kwemutengo wechingwa vachiti izvi zviri kupesana nechinangwa chehurumende chekudzikiswa kwemitengo yezvinhu muzvitoro.

NeChishanu vanhu vakawanda vakashamiswa apo vakaenda kunotenga chingwa vakawana chingwa ichi chakwira mutengo.

Chingwa, icho chaisimbotengwa nemari inoita masenzi makumi mapfumbamwe, chave kuita dhora rimwe chete ukuwo chaimboita dhora rimwe chete, chave kuita dhora rimwechete nemasenzi gumi.

Kukwira mutengo kwechingwa kunotevera kukwira kwezvinhu zvakawanda zvinoraramisa vanhu zvakaita semukaka, mafuta ekubikisa, furawu yekubikisa chingwa pamwe nenyama.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaDenvor Chimuka, vanoti vari kushamiswa nekukwira kwechingwa apo nyika yakakohwa chibage negorosi rakawanda gore rino.

"Semaonero edu kukwira kwemitengo yezvinhu hakuzi kwechokwadi. Ndinofunga kuti vamwe vari kuda kuzvibisa asi vanhu vari kuda kusvibisa zita rehurumende," vadaro VaChimuka.

Mumwe mutengi asina kufara nekukwidzwa mutengo kwechingwa, VaDarlington Manyevere, vanoti kukwira mutengo wechingwa hakuna kunaka sezvo vanhu vakawanda vanodya chingwa mazuva ose.

VaManyevere vanoti havaone hurumende ichikwanisa kugadzirisa nyaya yekukwira kwezvinhu sezvo zviri kutangira pamafuta ekufambisa, fuel.

VaManyavere vanoti hurumende iripo haikwanise kugadzirisa nyaya dzehupfumi hwenyika nekuti havana pfungwa itsva dzekuvandudza hupfumi.

Mumwe mushandi wekambani inogadzira chingwa yeLobels uyo asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau anoti kambani yake yakakwidza chingwa sezvo zvinogadzira chingwa zvakaita sefurawo zvakakwira.

Izvi zvinotsigirwa neimwe kabhani inobika chingwa yeBakers Inn iyo yakaburitsa gwaro ichitsanangura kuti yakakwidza chingwa nekuda kwekukwira mitengo yezzvinhu zvinoshandiswa kubika chingwa.

Asi VaTongai Nyikayaramba avo vanorwira kodzero dzevatengi vanoti chinoita kuti vasagamuchire kukwidzwa kwechingwa inyaya yekuti makambani makuru ose anobika chingwa anoti Lobels, Bakers Inn neProton vawirirana kukwidza mutengo wechingwa nguva imwechete.

VaNyikayaramba vanoti izvi zviri pachena kuti kukwidzwa kwechingwa hakunei nemitengo yezvinhu zvinogadzira chingwa asi kuwirirana, cartel, izvo zvinopesana nemitemo yemafambisirwo ezvehupfumi asingamanikidzwe, free economy.

Mukuru weConsumer Council of Zimbabwe, Muzvare Rosemary Siyachitema, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti nhasi izuva rekurumbidza Musiki havashande.

Vachitaura pamusangano wavo wekongiresi yeZanu PF neChishanu mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakayambira vezvitoro kuti vasanakidzwe nekukwidza mitengo yezvinhu asi mashoko avo hapana ari kuateerera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG