Accessibility links

Breaking News

Chingwa Chotarisirwa Kushaikwa Munyika


Zimbabweans are limited to just two loaves as part of efforts to ensure everyone gets some bread since supply is not meeting demand. Picture taken in Harare, Oct. 13, 2018.
Zimbabweans are limited to just two loaves as part of efforts to ensure everyone gets some bread since supply is not meeting demand. Picture taken in Harare, Oct. 13, 2018.

Kambani huru inogaya hupfu nezvimwe, yeNational Foods, yazivisa kuti ichamisa zvigayo zvayo muHarare neBulawayo neChitatu sezvo isisina gorosi rekuramba ichiita basa.

Muchiziviso kuvatengi, mukuru weNational Foods, Va Michael Lashbrook, vati kambani yavo iri kutadza kubhadhara mari yekunze kubva kumakambani ekunze kwainotenga gorosi nekudaro makambani aya aizivisa nhasi kuti haikwanisi kuramba ichiwana gorosi.

Vati nekuda kwaizvozvo, vave kumbomisa zvigayo zvavo apo vari kutaurirana nevabhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe kuti vawaniswe mari yekunze kuti vakwanise kubhadhara chikwereti chavo nekuramba vachitenga gorosi.

Vati kana zvinhu zvikasagadziriswa nekukasika, furawa yekubikisa chingwa yavasara nayo ichange yapera mukupera kwesvondo rino.

Zvichakadai, mukuru wesangano rinomirira makambani anogaya gorosi nechibage reGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara, vaudza vatori venhau muHarare kuti veruzhinji havafaniri kutenga zvematyira nekuti makambani mamwe aripo acharamba achigaya gorosi pamwe nekuvhara mukaha uchasiyiwa neNational Foods.

VaMusara varamba kutaura zvakanyaya pamusoro pedanho ratorwa neNational Foods vachiti kunyange hazvo National Foods iri nhengo yesangano ravo sekambani inogona kuita zvainoda.

Vatiwo pane chikepe chine gorosi chiri kusvika svondo rino uye vavimbisa kuti chingwa hachisi kuzoshaikwa panguva yekisimusi. Aka hakasi kekutanga VaMusarara vachiti kune chikepe chine gorosi kuMozambique, asi gorosi iri vanoripihwa kana vachinge vabhadhara mari inodiwa.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika munyika zvinosuwisa uye zvinoratidza kuti hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko guru rekushaikwa kwemari yekunze izvo zvaita kuti zvinhu zvese zvinotengwa kunze zvakaita semafuta emotokari zvishaikwe.

Pari zvino, vanhu vari kurara mumitsetse yemafuta emotokari uye zvinhu zvakaita semishonga nemapiritsi zviri kushaikwa nekuti nyika haina mari yekunze yakakwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG