Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeTsiva Yodzokera Munhandare neMugovera


Vateveri vemutambo wetsiva vatarisana nemachikichori emitambo iyi mangwana mushure megore nemwedzi yakawanda munyika musina tsiva nepamusana pechirwere cheCovid-19.

Vari kuronga mitambo iyi, VaStalin Mau Mau, vanoti kuchange kusingadaidzwe anonzwa mangwana mushure mekunge vatambi vatora nguva yakareba vakamirira makundano akadai.

Vatambi vane mukurumbira vechirume nemadzimai kubva kumativi mana ese enyika kusanganisira Monalisa Sibanda, Zvikomborero Danzwa, Peter Pambeni, na Patience Master, vachange vari munhandare mumutambo wekutanga mushure menguva yakareba.

VaMau Mau, avo vanova muridzi we Mau Mau Boxing Promotions, vanoti munhandare muchange muchibaka moto unotyisa zvichitevera gadziriro yanga ichitwa nevatambi.

Tsiva munyika yakapedzisira kuitwa muna Zvita 2019 ndokumiswa pakamiswa mitambo nehurumende kuchityirwa kupararira kwechirwere cheCovid 19.

VaMau Mau vanoti kunyange hazvo vateveri vetsiva vasiri kutenderwa munhandare nemhaka yechirwere cheCovid 19 ichochi, varonga kuti vatsigiri vaone mitambo iyi vari mudzimba dzavo vachiiona paSly Media vachishandisa nharembozha dzavo, kanawo ma omputer.

Vamwe vatambi vachange vari munhandare ndiNdodana Moyo, Anele Bafana, Cecilia Pitiseni, Evans Usaihwevhu, Phillip Musariri, Tino Chikerema naBongani Makokoba.

VaMau Mau vanoti pachange paine mitambo inosvika gumi neminomwe iyo ichange iine manharaunda matanhatu pamutambo wega-wega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG