Accessibility links

Breaking News

VaMokgweetsi Masisi veBotswana Vanoshanya kuZimbabwe Kwezuva Rimwe Chete


VaMokgweetsi Masisi, mutungamiri weBotswana.

Mutungamiri mutsva weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vakasvika muZimbabwe masikati emusi weMuvhuro kuzoshanya kwezuva rimwe chete vachiita hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Vakatambirwa panhandare yendege nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi nemamwe makurukota.

VaMasisi vakaperekedzwa nemakurukota ehurumende avo maviri, anoti VaKitso Mokaila, vanoona nezvekufambiswa kwezvinhu, naVaVincent Seretse, vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Dzimwe nyanzvi mune zvamatongerwo enyika dzinoti rwendo rwaVaMasisi harufaniri kuonekwa serwunoreva zvakawanda sezvo VaMasisi vachiita zvavanofanira kuita semutungamiri mutsva wenyika yavo.

Itsika yevatungamiri vatsva venyika dzeSADC kuenda kunyika dziri mugungano iri kuti vanozivana navo.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti Zimbabwe neBotswana hadzigoni kupatsanurwa uye dzagara dzichidyidzana mune zvematongerwo enyika uye mune zvehupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG