Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neKutenga neKutengesa muBotswana Vochema neKuramba Miganhu yeZimbabwe Yakavharwa


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvinorarama nekutenga nekutengesa zvinoti zvave kunonga svosve nemuromo nekuda kwekuvharwa kwemiganhu yeZimbabwe nenyika iyi.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvinorarama nekutenga nekutengesa zvinoti zvave kunonga svosve nemuromo nekuda kwekuvharwa kwemiganhu yeZimbabwe nenyika iyi.

Apo zororo reKisimusi roswedera, vamwe vana muzvinabhizinesi muguta reFrancistown, muBotswana vochema chema vachiti kuvharwa kwemabhodha eZimbabwe koita kuti varasikirwe nemari ukuwo zvizvarwa zveZimbabwe zvinorarama nekutenga nekutengesa zvichiti zvodya nhoko dzezvironda.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakanyevenutsa zvinhu munaKurume gore rino, mabhodha enyika akaramba akavharwa senzira yekudzivirirwa kupararira kwedenda reCOVID-19.

Asi kuvharwa kwemabhodha uku kuri kuita vanamuzvinabhizinesi muguta reFrancistown muBotswana pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zvinorarama nekutenga nekutengesa kunyika dzakatenderedza Zimbabwe kana kuti macros border traders vaomerwe nehupenyu.

Nokudaro, vanamuzvinabhizinesi ava pamwe chete nemacross border traders vakumbire hurumende yeZimbabwe kuti ivhure mabhodha sezvo zororo reKirimusi roswedera.

Mumwe muzvinabhizinesi, VaTellmore Dzobo, avo vane chitoro chinotengesa midziyo yakasiyana siyana muguta reFrancistown vanoti vatengi vavo vazhinji vanhu vanobva kuZimbabwe.

Vanoti huwandu hwevanhu vachiri kubatwa nedenda reCOVID-19 munyika zhinji hwaderera kwazvo. Vaenderera mberi vachiti hurumende yeBotswana yakavhurira vanhu kubva munaGunyana, izvo zvinoratidza kuti denda reCOVID-19 rave pasi.

Mutungamiri wesangano rinorwirwa kodzero dzevanotenga nekutengesa reZimbabwe International Cross Border Traders, VaDennis Juru vanoti kuvharwa kwemabhodha koita kuti vanhu vakwangwaye.

VaJuru vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa kana kuuraiwa nedenda reCOVID-19 hwadzikira zvikuru munyika dzinoti Zimbabwe, Botswana, South Africa nedzimwe dzakatenderedza Zimbabwe.

Nemusi weChipiri, bazi rezvehutano rakazivisa kuti kwakabatwa vanhu makumi mana vaine denda reCOVID-19 uye vanhu vana chete ndiwo vakafa. Zimbabwe ine tarisiro yekubaya vanhu zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kana kuti 60 percent mukupera kwemwedzi unouya.

Zimbabwe yabaya vanhu mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 5.9 million, mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu vabaiwa nhomba yekutanga kuchiti mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu vavana nhomba mbiri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe vanga vasingakwanise kudaira mibvunzo parunhare ndookukumbira kuti vatumirwe mibvunzo padandemutande reWhatsapp asi vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira kusvika taenda pamhepo.

Asi nyanzwi munyaya dzehutano hwevazhinji uye vari chiremba paNyangabgwe Referral Hospital muFrancistown muBotswana, VaGodfrey Muzavazi vanoti vanhu havafaniri kumhanyira kumedza kutsenga vachada.

Sangano reInternational Organization for Migration kana kuti IOM rakaziviza mwedzi miviri yapfuura kuti COVID-19 yakasiya madzimai mazhinji anorarama nekutenga nekutengesa asichina chokubata.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG