Accessibility links

Breaking News

Kutenga neBond Note Kwava Kudhurira Vakawanda


Zimbabwean Bond Notes
Zimbabwean Bond Notes

Vagari vemuChinhoyi vanoti vari kurwadziwa nezvave kuita vanotengesa zvinhu avo vave kupa mitengo miviri kuchinhu chimwe chete nekuda kwekuti mumwe munhu anenge achitenga nema bond notes mumwe achitenga nemari yekuAmerica.

Veruzhinji vanoti kupa mitengo miviri kuchinhu chimwe chete mucherechedzo wekuti mari yakaparurwa nebhanga guru renyika muna Mbudzi yema bond notes haina huremu hwakafanana nemari yekuAmerica.

Vagari vemuChinhoyi ava vanoti zvave kuitika zvave kukonzera kuti mitengo yezvinhu ikwire sezvo mari yekuAmerica yave kuita shoma munyika.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaTonderai Makaya, vanoti mari yema bond notes yave kuita kuti zvinhu zvive nemitengo miviri uye kuti zvidhure sezvakamboitika nguva yakare yemugore ra2008.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaStewart Mwamuka, avo vanoita basa rekutakura vanhu nemotokari yavo, vanobvumirana naVa Makaya kuti mitengo miviri pachinhu uye kushandiswa kwemabond notes kwave kukwidza mitengo yezvinhu munyika.

VaMakaya vanoti mabhangi ndiwo ari kukonzera kuipa kwezvinhu munyika sezvo vachiti munhu anoda kutumira kunze kwenyika anofanirwa kuunza mari yekuAmerica kunyange ane mari mubhangi vachiti ma bond notes.

VaMakaya vanoti zvave pachena kuti manyepo ekuti mari yema bond notes ine huremu hwakafanana nemari yekuAmerica.

VaMwamuka vanoti vanotengesawo vachibvuma makadhi kana kuti Swipe vari kubira vanhu sezvo vachiwedzera mitengo pazvinhu.

Asi gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakaudza paramende neChitatu kuti vati vese vasiri kubatwa zvakanaka nevezvitoro kana mabhangi vanofanira kuenda nehumbowo hwavo kubhanga guru renyika.

Kushaikwa kwemari yekuAmerica munyika kwave kukonzera kuti mari yekuAmerica itengeswe pamisika mitema nekune rumwe rutivi kushandiswa kwemari yema bond notes kwave kukonzeresa kukwidzwa kwemitengo yezvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG