Accessibility links

Breaking News

Vashandi neVashandirwi Votambira Bond Notes Zvakasiyana


Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya
Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya

Gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, nemusi weMuvhuro vakaparura mari yemabond notes iyo iri kutambirwa zvakasiyana siyana munyika.

Gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, nemusi weMuvhuro vakaparura mari yema bond notes iyo iri kutambirwa zvakasiyana siyana munyika.

Zimbabwe iri kuda kuyedza zvisati zvamboitwa munhoroondo yenyika dzepasi rino zvekurega kushandisa mari yekune dzimwe kusanganisa dhora rekuAmerica ichishandisa mari yayo.

Zimbabwe yakatanga kushandisa mari yekune dzimwe nyika muna 2009 mushure mekunge mari yenyika yashaya simba.

Asi ma bond notes akaparurwa aya anenge asina kusvika zvakanaka. Vanoita basa rekuchinja mari vanonzi vatotanga kuitengesa pamukoto. Kuti munhu awane dhora rimwe chete rekuAmerica anoda ma bond notes gumi nematatu, uye kuti awane rand rimwe chete anoda mabond notes gumi.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaCallisto Jokonya, vanoti vemabhizimisi vari kutambira mari iyi nemufaro.

Panyaya yekuti zviri kuitwa neZimbabwe zvakafanana nekufa uchimuka, sezvo zvisati zvamboitika, VaJokonya vanoti zvinokwanisika.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailer’s, VaDenford Chimutashu, vanotenderana naVaJokonya vachiti mabond notes ari kurerutsira vanhu vange votadza kutenga zvinhu nekushaya mari.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kuparurwa kwemari iyi kuchapawo kuti madhora ekuAmerica ashaike zvichapa kuti zvinhu zvitange kudhura muzvitoro.

Vamwe vanoti izvi zvave kutooneka nekunetsa kuri kuita mafuta ekufambisa dzimotokari.

Asi VaChimutashu vanoti mari yekuAmerica yange ichishandiswa zvisizvo uye ikozvino inenge yave kuwanikwa.

Asi mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vanoti sevashandi havasi kutambira kuparurwa kwemari iyi uye vari kuzoratidzira.

Imwe nyaya iri kunetsa inyaya yekuti mari yakaparurwa iyi iri pamutemo here.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu uye vemapato anopikisa kusanganisira Zimbabwe People First vakatokwira kumatare vachipikisa kuturwa kwemari iyi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakashandisa masimba avo vakadzika mutemo unoshanda kwemwedzi mitanhatu kuti vaparure mari itsva iyi.

Asi vanokokera bato reMDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti zvakaitwa naVaMugabe hazvisi pamutemo.

Ikozvino dare reparamende riri kuenda kuvanhu kunovabvunza nezvekuparurwa kwemari iyi.

Asi vamwe vanoti uku kuyeuka bako mvura yanaya. VaGonese vanoti havo zvakakosha kuti vanhu vape pfungwa dzavo kuitira mangwana.

Zvinhu muZimbabwe panyaya yemari zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuti zvinhu zvifambe Zimbabwe inoda kuti igadzirise hupfumi hwayo kwete kuparura mari itsva.

Kuti mabond notes achashanda sezviri kuparidzwa nehurumende? Aiwa apa ndipo panonzi navanasorojena totenda maruva tadya chakata.

Nyaya Ina Blessing Zul
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

.

XS
SM
MD
LG