General Council yebato rePeople’s Democractic Party yapa neChishanu mutungamiriri webato iri, VaTendai Biti, mvumo yekusaina chibvurano chekushanda nemamwe mapato muMDC Alliance.
Musangano uyu watiwo nhengo dzebato iri dzakaita musangano neChina muBulawayo dzikabuda nechisungo chekudzinga VaBiti, dzicharamba dziri nhengo dzebato iri asi zvinzvimbo zvavo zvichafanobatwa nevamwe kudzamara vadzoka.
VaBiti vati musangano uyu wavapa mvumo yekusaina chibvumirano chekushanda nemamwe mapato anopikisa mumubatanidzwa weMDC Alliance.
Vati mapato acharamba achitaurirana nyaya yekuti zvigaro zvichafambiswa seyi mumubatanidzwa uyu.
Vatiwo bato ravo radoma chikwata chitsva chinotungamirirwa nemutevedzeeri webato iri, VaKucaca Phulu, kutungamira bato ravo munhaurirano nemamwe mapato.
VaPhulu vachange vachitsigirwa naVaSettlement Chikwinya, avo vanzi vachange vakabata chigaro chemunyori mukuru webato, pamwe naVaJacob Mafume, mutauriri webato iri.
VaBiti vashora zvakaitwa nemunyori mukuru, VaGorden Moyo, nevamwe vakuru vakuru vachiti zvakakonzerwa nebato reZanu PF iro rakatadza kusimudzira matunhu ese munyika.
VaBiti vati nekuda kwekuti vanoda kuti vanhu vese vashande pamwe chete mukubvisa hurumende yeZanu PF, havasi kudzinga VaMoyo nevamwe vavo, asi zvinzvimbo zvavo zvambopihwa vamwe kudzamara VaMoyo nevamwe vavo vadzoka zvakare kune vamwe mubato.
VaBiti vatiwo bato ravo harisi kufara nechirongwa chekunyoresa vavhoti icho vati hachisi kufamba sezvange zvakatarisirwa uye vachaenda kumatare edzimhosva kuti nyaya iyi igadziriswe, sezvo paine chitsotsi chiri kuitwa.
VaBiti vatiwo VaMoyo nevamwe vavo vakaita musangano wavo wanezuro kumba kweimwe nehngo yeNational People’s Party inotungamirwa na Amai Joice Mujuru, VaSipepa Nkomo, nokudaro hapasisina nhaurirano dzavachaita nebato iri.
Asi VaMoyo vati aya manyepo uye musangano uyu wakaitwa mukati chaimo meguta.
Facebook Forum