Accessibility links

Breaking News

VaMapondera Votaura Pamusoro peBitcoin

  • Jonga Kandemiiri

Bitcoin digital money

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinonzi zvave nenzira dzakawanda dzekutumira nadzo mari kumusha zvichitevera kupindawo mudariro kwekambani yechimwe chizvarwa cheZimbabwe, yeBitMari, iyo inonzi inokasika uye ine mitengo yaderera.

VaChristopher Mapondera, vakabatana nechimwe chizvarwa chemu America, VaSinclair Skinner, muna 2015 mukuumba kambani yeBitMari, iyo inoshandisa hunyanzvi mukutumira mari kunyika dzakasiyanasiyana.

VaMapondera vanoti kunyange hazvo kambani yavo ichishandisawo nzira dzekubhadhara nadzo dze BitCoin, vanotambira mari dzakasiyanasiyana dzinoshandiswa nevanhu munyika dzavanenge vagere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG