Accessibility links

Breaking News

Mabhishopu Oudza VaMnangagwa Zvinofanirwa Kuitwa neChimbi Chimbi


People wearing protective masks to help curb the spread of the coronavirus run along a pedestrian crossing in Tokyo. The Japanese capital confirmed more than 340 new coronavirus cases on Thursday.
People wearing protective masks to help curb the spread of the coronavirus run along a pedestrian crossing in Tokyo. The Japanese capital confirmed more than 340 new coronavirus cases on Thursday.

Zvichitevera kushandurwa kwemutungamiriri wenyika svondo rapfuura mushure mekupindira kwemauto, sangano reZimbabwe Catholic Bishops Conference raburitsa gwaro, kana kuti Pastoral Letter, richiti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inofanira kugadzirisa nyaya dzehupfumi nemitemo yesarudzo nechimbi chimbi kuitira kuti nyika igadzikane.

Mugwaro iri, mabhishopi aya, kubva kumatunhu ese munyika, anotenda kuti shanduko yemutungamiri wenyika yakaitwa murunyararo.

Mabhishopi aya anoti nyika yave nemukana wekutanga patsva, asi zvinhu zvinofanira kugadziriswa nekukasika inyaya dzehupfumi.

Munyori mukuru weZimbabwe Catholic Bishops Conference, Baba Frederick Chiromba, vaudza Studio7 kuti vari kuita chikumbiro chekuti hupfumi hugadziriswe nechimbi chimbi nekuti vari kuona kutambura kuri kuita vanhu zuva nezuva.

Vatiwo mabhishopu aya anodawo kuti mitemo yesarudzo igadziriswe nekukasika vachiti kunyange hazvo pakave nekushandura mutungamiriri wenyika murunyararo, nzira yakashandiswa handiyo yakakakodzera mukore uno.

Baba Chiromba vati sarudzo dzemuZimbabwe dzagara dzisingagutsi veruzhinji izvo zvakakakonzera kuti nyika itemerwe zvirango zvehupfumi nedzimwe nyika dzekumavirira.

Asi Pastor Philip Mugadza veRemnant Church vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo zvakakosha kusimudzira hupfumi nekugadzirisa mitemo yesarudzo, kodzero dzevanhu dzakakosha kudarika zvese.

Baba Fidelis Mukonori vesvondo yeRoman Catholic ndivo vaive muyananisi panhaurirano dzakaitwa nemauto naVaMugabe kutiVaMugabe vasiyebasa.

Baba Chiromba vati izvi zvinoratidza kuti vedzisvondo vanoita basa guru mukuyananisa pamwe nekubatanidza vanhu munyika.

Mumashoko avo ekutanga semutungamiriri wenyika, VaMnangagwa vakati kumutsiridza hupfumi, kuita sarudzo dzakachena pamwe nekurwisa huwori, zvimwe zvezvinhu zvavachaita nekukasika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG