Accessibility links

Breaking News

Mabhishopi Anotsigirana Mukushora Hurumende Iri Kutyora Kodzero dzeVanhu Munyika


Bishop Ignatius Makumbe, Diocess of Central Zimbabwe
Bishop Ignatius Makumbe, Diocess of Central Zimbabwe

Sangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches (ZCC) richaita musangano waro wepagore, kana kuti 2020 General Assembly, neMugovera, Mugovera.

Munyori weZCC, Reverend Doctor Mtata, vanoti zvimwe zvichakurukurwa pamusangano uyu zvinosanganisa kusarudza mutungamiri we ZCC nemutevedzeri wake, kusarudza nhengo itsva dzebhodhi rekanzuru iyi, pamwe chete nekubuda negwaro remamiriro akaita zvinhu munyika pamwe nekubvumirana pamusoro pegwara richatevedzwa takanangana negore ra 2023, nezvimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Musangano we 2020 General Assembly uyu, uri kuitwa panguva iyo mabhishopi ekereke yeAnglican abudisa gwaro rinotsigira mashoko eZimbabwe Catholic Bishops Conference (ZCBC) ekushora hurumende pamusoro pezvaanoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Hurumende yakaramba mashoko aya ari mugwaro iri ikashandisa mashoko akasimba ichipomera mutungamiri weZCBC, Bishop Robert Ndlovu, mhosva yekuda kupesanisa vanhu nekupesvedzera kusagadzikana pakati pemarudzi.

Sachigaro ve Anglican Council of Zimbabwe, Bishop Ignatius Makumbe, vaudza Studio7 kuti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika, vachiti hapana chinoratidza kuti zvinhu zvichaita nani.

Vati hapana kubudirira kungaitika kana vanhu vasingataudzani uye kereke yavo haisi kufara nezvinhu zvakawanda zviri kuitika munyika, kusanganisira kutorerwa kwevanhu mighodhi yavo ichipiwa kuvanhu veku China.

Bishop Makumbe vati hurumende haifaniri kuita zvehasha kana ichiudzwa zviri kurwadza vanhu, vachiti mashoko akataurwa nehurumende mumhinduro yayo kugwaro reZCBC haafanirwi kubva kuhurumende, vachiti basa rehurumende ndere kuteerera zvikuru apo vanhu vanenge vachitaura zvinovanetsa nekuvarwadza.

Munyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, havana kubatika kuti vatipe pamire hurumende panyanya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG