Accessibility links

Breaking News

Mabhishopu Osangana neVari Kukwikwidza Musarudzo yeMutungamiri weNyika


Father Chiromba
Father Chiromba

Vedzisvondo nemabhizimisi vari kuronga kusangana navose vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika neChina kuArrupe Jesuit University muHarare nechinangwa chekuti varemekedzane pamwe nekuchengetedza runyararo panguva yesarudzo.

Vamwe vari kuronga musangano uyu, uyo uchapindwa nevanhu zviuru zvitatu, Baba Frederick Chiromba veZimbabwe Catholic Bishops Conference, vanoti zvakakosha kuti runyararo ruri munyika pari zvino ruchengetedzwe.

Vanoti chinangwa chikuru chemusangano uyu, ndechekuti vatungamiri ava vakwanise kusangana nekutaura pamwe chete pamberi pevanhu kunyange hazvo vachibva kumapato akasiyana siyana.

VaChiromba vanotiwo vatungamiri ava vese vachapiwa mukana wekutaura zvavachaitira vanhu kana vachinge vasarudzwa kuti vatonge uyewo kuti vaite chitsidzo chekuti munyika muchave nerunyararo kana vachinge vave kutonga.

Vanoti ivo sevatendi havaudze vanhu bato kana mutungamiriri wekuvhotera vachiti vanhu vakasununguka kusarudza mutungamiri wavavoda. VaChiromba vanoti ndosaka vari kukoka vatungamiriri vese vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Mutungamiri wenyika, zvekare vari ivo vari kumirira Zanu PF musarudzo iyi, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kuti vachasangana nevatungamiri vemapato ese ari kupinda musarudzo asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zivi zvinogona kurambwa nemamwe nemapato.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth for Development, VaClaris Madhuku, vanoti zvakakosha kuti musangano uyu urongwe nemunhu kana sangano risiri kupinda musarudzo.

Vanoti nekuda kwaizvozvo musangano uri kurongwa nevedzisvondo wakakosha zvikuru.

Zimbabwe ichaita sarudzo mukupera kwemwedzi uno paine kubvumirana kubva kumasangano mazhinji kuti munyika mune runyararo kana zvichienzaniswa nesarudzo dzapfuura.

Zimbabwe inozivikanwa nekuita sarudzo dzine mutauro nekuda kwemhirizhonga iyo yaiwanda nguva yesarudzo.

Pane vanhu makumi maviri nevatatu vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika uye aka ndekekutanga kuwana vanhu vakawanda kudai vanopinda musarudzo kubva pakawana nyika rusununguko rwekuzvitonga muna 1980.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG