Accessibility links

Breaking News

Bishop Ancelimo Magaya Vomira neKuratidzira Kwanga Kwarongwa neMDC


Bishop Ancelimo Magaya
Bishop Ancelimo Magaya

Vamwe vedzisvondo vanoti mapurisa akatyora mutemo nekurambidza kuratidzira kwanga kuchitungamirwa neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Mutungamiri weZimbabwe Devine Destiny, Bishop Ancelimo Magaya, vanoti pasi pebumbiro remitemo yenyika, mapurisa haana masimba ekurambidza vanhu kuratidzira.

Bishop Magaya vanotiwo zviri kuitika munyika pasi pehurumende yaVa Emmerson Mnangagwa, zvashata kutodarika zvaiitika pasi pehurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe.

VaMagaya vanoti pasvika zvinhu pava kuda kuti kana vanhu vapunda mumigwagwa vasabuda mumigwagwa iyi sezvakaitika kuSudan, pamwe nezviri kuitika kuMalawi.

VaMagaya vanoti vanhu vari kushupika muZimbabwe uye hurumende inofanirwa kuona kuti yagadzirisa zvinhu kuitira kuti hupenyu hurerukire munhu wese.

Mashoko aVaMagaya anotevera danho rakaitwa nemapurisa nemusi weChina manheru rekurambidza MDC kuratidzira.

Mapurisa anoti akatora danho iri senzira yekudzivirira mhirizhonga yaakanga anzwa kuti ichakonzerwa nenhengo dzeMDC.

Asi MDC inoti mapurisa akatora danho iri zvichitevera kupindira kweZanu PF panyaya yekuratidzira kwainge kwarongwa neMDC.

VaMagaya vanoti kuratidzira uku kwakanga kuri pamutemo uye kuchiremekedzwa nebumbiro remitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG