Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatara kuti kutanga svondo rinouya nemusi wa14 Gunyana kusvika musi wa15 Ndira 2018, Zimbabwe Elections Commission, ZEC, inofanira kutanga kuumba gwaro idzva revavhoti kana kuti biometric voters roll.
VaMugabe vaita izvi kuburikidza negwaro rezvisiviso zvehurumende kana kuti “government gazette”.
Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa pasi pemutemo wesarudzo kana kuti Electoral Act, gwaro idzva risati raparurwa.
Asi vachitaura neStudio7, sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vati hazvireve kuti vanobva vatanga kunyoresa vanhu musi wa14 Gunyana sezvo vachiri vakamirira mimwe michina yekunyoresa vanhu.
Mukuru wesangano reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vati vari kufara nezvaitwa nemutungamiri wenyika sezvo vakagara vayambira ZEC kuti kuda kutanga kunyoresa vanhu pasina kuteverwa mutemo kwaizokonzera mutauro.
Facebook Forum