Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dzakanga Dzavharirwa neMafashamu kuBinga Dzinonunurwa


Mafashamu emvura anonzi akavharira mhuri dzinodarika makumi matatu kuNsungwale, pasi paIshe Sinakoma kuBinga, avo vazonunurwa nechikopokopo.

Mhuri dzanga dzakavharirwa nemafashamu emvura kuNsungwale pasi paIshe Sinakoma kuBinga mudunhu reMatabeleland North, dzinonzi dzanunurwa mushure mekutakurwa nechikopokopo chemauto vachiendeswa kunzvimbo yakakwirira.

Mumiriri weBinga North muparamende, VaPrince Dubeko Sibanda, vanoti mafashamu emvura aya, ayo akakonzerwa nekufashukira kwenzizi ina, akavharira mhuri dzinodarika makumi matatu, idzo dzazonunurwa nechikopokopo.

"Kwatumirwa chikopoko chekuti chinobatsira ivavo vari mumakomo vange vari panzvimbo dzinoratidza kuti vari kutya mvura, kuti vatorwe vaendeswe panzvimbo dzinenge dziri safe. So far ndizvo zvandoziva kuti zvaitika," Vanodaro VaDubeko Sibanda.

VaDubeko Sibanda vanoti pari zvino vari kugutsikana nemashandiro emapoka ose ari kubatsira kuona kuti mhuri dzakawirwa nedambudziko iri dzabatsirwa nepekugara, kunyange hazvo vasati vawana rubatsiro rwechikafu.

"Chikafu ndofunga kuti vari kubatsirana pano nepapapa nehama neshamwari. hatisati tawana any formal assistance in terms of chikafu kubva kumasangano akasiyanasiyana."

Bazi rezvekutongwa kwematunhu rinonzi raburitsawo gwaro richiti mhuri dzinodarika makumi maviri neimwe dzanga dzakavharirwa nemvura pamwe nedzimwe gumi neimwe dzabatsirwa kusvitswa kwakachengetedzeka.

Gwaro iri rinonzi riri kuti boka reCivil Protection Unit ratumirawo matende zana pamwe nemagumbeze kuBinga, uye mauto emuchadenga atumirawo zvikopokopo zviviri zviri kubatsira vakavirwa nedambudziko.

Mafashamu aya anotevera muvra inonzi yakanaya zvakanyanya kubva nemusi wechishanu svondo rapera, izvo zvakasiya nzizi dzinoti Sibwambwa, Sikanda, naMapande neManyenyengwa dzafashukira.

Hurukuro naVaPrince Dubeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG