Accessibility links

Breaking News

Varidzi veRan Mine Vanorambidzwa neMatare Kudzinga Vashandi Mudzimba Dzavari


VaObey Shava, vachitsanangura kuvagari veRan Mine zvatongwa nedare redzimhosva, Bindura, December 21, 2018.
VaObey Shava, vachitsanangura kuvagari veRan Mine zvatongwa nedare redzimhosva, Bindura, December 21, 2018.

Dare redzimhosva muBindura rinoti varidzi vemugodhi we Ran Mine vasadzinga mudzimba dzekambani iyi vashandi vayo, uye kuti mapurisa asavhiringidze vashandi ava.

Richipa mutongo waro, dare iri rati vashandi vekambani iyi, avo vanodarika mazana matatu, vane kodzero dzekuramba vachigara mudzimba dzekambani iyi.

Gweta revashandi ava, VaObey Shava, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti vashandi ava vagara pamugodhi uyu kwnguva yakareba.

Kambani iyi yaimbove ye Globe and Phoenix, uye payakavhara, zvinonzi varidzi vayo havana kusiya vabhadhara vashandi mari dzemudyandigere.

Mushure memakore anoda kusvika makumi maviri, varidzi vatsva vekambani iyi vakaitora vachishandisa zita rekare rekuti Globe and Phoenix, vakabva vapa zviziviso zvekuti vashandi vabve mudzimba dzepamugodhi uyu mwedzi waZvita usati wapera.

Izvi ndizvo zvakapa kuti magweta evashandi vaende kumatare.

Hapana kujeka kuti ndiyani muridzi chaiye wekambani iyi, iyo inochera goridhe.

Studio7 haina kukwanisa kutaura namudzviti wedunhu iri kuti tinzwe kuti muridzi chaiye wekambani iyi ndiyani.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG