Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Kwete kuMusangano Wadaidzirwa naVaMnangagwa


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Bato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti harina kuenda kumusangano wakasheedzerwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nekuti VaMnangagwa pachavo, ndivo chikonzero chebopoto riri munyika.

MDC inoti VaMnangagwa havafainiri kudaidzira musangano wekuyananisa vanhu vari kupikisana kana ivo vari mumwe wevanhu vari mudariro.

Vachipindura tsamba yekukokwa kuhurukuro nehofisi yemutungamiri wenyika, mukuru anoona nezvevashandi muMDC, VaSessel Zvizvai, vati mutungamiri wavo haakwanisi kupinda mumusangano uyu, sezvo paine zvinhu zvizhinji zvinofanira kutanga zvagadziriswa.

VaZvizvai vati zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika ndicho chimwe chezvinhu zvinofanirwa kutanga zvatariswa.

Vatiwo nyaya yenhaurirano inofanirwa kunge ichokokerwa nevanhu vanhu vasinei nezvematongerwo enyika kuitira kuti kuyananiswa kwegakava riripo kuitwe nezira inofadza munhu wese.

VaZvizvai vatiwo hurukuro idzi dzinofanirwa kunge dzichitsigirwa nemasangano anosanganisira Souther African Development Community, African Union neUnited Nations.

MDC yadoma zvinhu gumi zvinofanirwa kuitwa naVaMnangagwa pasati paitwa hurukuro naVaChamisa.

Izvi zvinosanganisira kumisa kushungurudza vanopikisa; kuona kuti hapana munhu anobatwa chibharo; kubudiswa mumajeri kwevese vakasungirwa nyaya dzematongerwo enyika; kusapindira kwezvematongerwo enyika mumashandiro ematare edzimhosva pamwe nekuremekedza kodzero dzemunhu wese.

Mutauriri webato iri, VaJacob Mafume, vaudza Studio7 kuti pasati paitwa musangano wekuyananisa vanhu, VaMnangagwa vanofanira kubvisa masoja mumigwagwa uye vanofanira kurega dzimwe nhengo dzemapato anopikisa dzakatizira kunze kwenyika kuti dzidzoke kumusha kubva kunyika kwadzakatizira.

VaChamisa vagara vachiti havacherechedzi VaMNangagwa semutungamiri wenyika kunyange hazvo dare reConstitutional Court rakati VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Mubatanidzwa wemapato anopikisa achitungamirirwa naAmai Joyce Mujuru, wePeople’s Rainbow Coalition, haunawo kupinda mumusangano uyu, Amai Mujuru vachiti musangano uyu ndewekungotorwa mifananidzo pasina chine musoro chiri kuitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG