Accessibility links

Breaking News

Kugadziriswa kweMugwagwa weHarare-Beitbridge Kwoparurwa Musi waChivabvu 18


Joram Gumbo
Joram Gumbo

Gurukota rinoona nezvezvivakwa nekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuzoparura zviri pamutemo kutangwa kuvakwa nekugadziriswa kwemugwagwa waurayisa vanhu vakawanda weHarare-Beitbridge musi wa18 Chivabvu.

Kambani yekuChina, yeGeiger International, ndiyo iri kuvaka mugwagwa uyu unonzi wakakosha bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri zvemadhora.

Asi nyaya yekugadzirwa kwemugwagwa uyu inonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika yave kushandiswa nebato riri kutonga reZanu-PF kutsvaga rutsigiro.

Mugwagwa uyu uri kutanga kugadzirwa kubva paChaka Growth Point kuMasvingo.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo,Amai Shuvai Mahofa, vakazivisa svondo rapera kuti vakuru vebato reZanu-PF muMasvIngo vainge vawirirana kuti makambani nevanhu vakarerekera kuZanu-PF ndivo vanofanira kutanga kuwana mabasa.

Vachibvunzwa neStudio7 nezvekutyora mutemo wenyika usingakurudzire rusaruro rwakadai, VaGumbo vatanga vaita pamunhondo pamusasa asi vakazoti havanyanye kuona chakaipa kuti vanhu veZanu-PF vatange kuwaniswa mabasa.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vashora zvikuru mashoko eZanu-PF vachiti Zanu-PF haizive mutsauko pakati pehurumende nebato.

Vati izvi kutyora bumbiro remutemo.

Mutauriri wePeople’s Democratic Party, VaJacob Mafume, vati uku kutyorawo mutemo wePublic Finances Act uyo unotara mari inopihwa mapato ezvematongerwo enyika nehurumende.

Vati kuda kushandisa nyaya dzekugadzirwa kwemigwagwa kupa Zanu-PF mari imhosva.

Mutauriri weZapu, VaIphithule Maphosa, vati mashoko aAmai Mahofa anoburitsa pachena kuti bato reZanu-PF rinoda kuwana rutsigiro nenzira dzisiri pamutemo.

Vatiwo nehuwandu hwevanhu vasina mabasa munyika zvinoratidza kushaya hanya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG