Accessibility links

Breaking News

VaChasi Voenda Kunopemha Magetsi kuSouth Africa neMozambique


Fortune Chasi
Fortune Chasi

Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vari kuSouth Africa uye vachibva ikoko vachaenda kuMozambique kunoita hurukuro dzekuona kuti Zimbabwe ingawane magetsi akawanda zvakadii kubva kunyika mbiri idzi.

Vachitaura mushure memusangano wechimakumi maviri nemina yedare remakurukota, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati rwendo rwaVaChasi runotevera nhaurirano panyaya yemagetsi dzakaitwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, pamwe naVaFillipe Nyusi vekuMozambique pamusangano uchangobva kupera weAfrican Union wakaitwa kuNiger.

Amai Mutsvangwa vazivisa kuti hurumende inokoshesa nyaya yemagetsi uye veruzhinji vachaziviswa nekufamba kwenguva zvichabuda munhaurirano dziri kuitwa naVaChasi.

Svondo rapfuura Zimbabwe yakabhadhara mamiriyoni gumi emadhora ekuAmerica pachikwereti chainayo kukambani yemagetsi yekuSouth Africa ye Eskom uye yasarirwa nechikwereti chinodarika mamiriyoni makumi maviri emadhora ekuAmerica.

Zimbabwe ine chikwereti chinodarika mamiriyoni makumi matatu emadhora ekuAmerica kukambani yemagetsi yekuMozambique yeCohora Basa izvo zviri kuita kuti isawedzerwe huwandu hwemagetsi anoiwana kubva kumakambani maviri aya.

Amai Mutsvangwa vatiwo hurumende iri kushushikana nekushakiwa kwemvura mumaguta nemadhorobha uye yaita chisungo chekuunganidza mari yekugadzirisa dambudziko iri.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vazivisa kuti havasati vaziva kuti imarii iri kudiwa kugadzirisa dambudziko iri iro rakaparira nyika yese.

Zvichakdai, Amai Mutsvangwa vazivisa kuti Zimbabwe yapihwa rubatsiro rwemichina yakakosha yekushandisa muzvipatara inokosha miriyoni yemadhora ekuAmerica kubva kuUnited Arab Emirates neIndia.

Vati kunze kwemichina inokoshana mazana mana ezviuru zvemadhora ekuAmerica, UAE yavimbisawo kuvakiridza chipatara cheHarare Central.

Amai Mutsvangwa vazivisawo kuti hurumende yakatengawo michina yemuzvipatara inokosha mazana matatu ezviuru zemadhora eku America ichapinda munyika munguva pfupi inotevera.

Gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, vayambira vezvitoro zvemishonga kana vari kuramba vachitengesa mishonga nemari yekuAmerica kuti zviri kunze kwemutemo uye vacharangwa kana vakabatwa.

Dr Moyo vazivisawo kuti hurumende yave kutenga mishonga nemichina kumakambani ekunze anogadzira zvinhu izvi vachiti vairasirikirwa nemari yakawanda nekutenga zvinhu izvi vachishandisa vamiriri vemakambani aya muno avo vaivadhurisira.

Vazivisawo kuti vave kuronga nemakambani anogadzira mishonga kubva kunyika dzakaita seIndia kuti azogadzirira mishonga iyi muno vachiti izvi zvinoita kuti mishonga iyi isvike muzvipatara nekukasika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG