Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMasvingo Vochema neKukwira kweMitengo yeZvekudya


Zvekudya zvinonzi zvakakwira mitengo zvakanyanya zvinosanganisira upfu, nyama neshuga.

Vagari vemudhorobha reMasvingo vochema-chema kuti mitengo yezvinhu, kunyanya chikafu, yakakwira zvisingaiti muzvitoro apo hurumende iri kuti mamiriro ehupfumi hwenyika hwaka gadzikana.

Vamwe vagari vataura neStudio 7 vanoti vakashamisika svondo rino mitengo yezvikafu zvakaita sehupfu, mafuta ekubikisa pamwe nenyama zvamuka zvakakwira mutarara.

Amai Rumbidzai Magomo vemumusha we Mucheke F, vanoti hupenyu huri kuramba huchivaomera nekukwira kwaita mitengo svondo rino.

Chisaga chehupfu cinorema makirogiramu gumi chave kuita mazana mashanu nemakumi mashanu emadhora e RTGS kubva mumazana mana muchitoro che OK.

Apowo kirogiramu imwe chete yenyama, yaiita mazana matatu emadhora eRtgs yave kuita mazana matanhatu emadhora akaraudzira, zvimwe chete nemafuta ekubikisa. Marita maviri aiita zana nemakumi manomwe emadhora ave kuita mazana maviri nemakumi mashanu emadhora e RTGS.

Vagari vazhinji vanoti mitengo iri kukwira asi mihoro yavo isiri kukwira nekudaro zvichawedzera kutambura kwavo sezvo kuwana chikafu chakakwana kunenge konetsa.

Muzvare Eve Mamombe, vanoti kukwira kuri kuita mitengo yechiakafu munyika kwovashaisa hope.

Sangano rinomiriria vashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trades Unions(ZCTU), rinoti mihoro yakatarwa nehurumende yevashandi vepasi inokwana zvikamu gumi nezviviri kubva muzana pamari inodiwa kushandiswa nemhuri yevanhu vashanu munyika.

Sangano rinomirira vatengi munyika reConsumer Council of Zimbabwe rinotiwo mhuri yevanhu vatanhatu inoda mari inosvika zviuru makumi maviri nechimwe yemaRTGS apo vashandi vazhinji vachiwana mari isingapfuuri zviuru zvishanu zvemadhora emunyika pamwedzi.

Mutungamiriri we ZCTU munyika VaPeter Mutasa, vanoti vashandi vari kunonga svosve nemuromo uye vadzorerwa munguva yehutongi hwevapambepfumi.

Studio 7 yatadza kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezve maIndasitiri nekutengeserana munyika, Amai Sekai Nzenza vanga vasingadairi nharembozha yavo.

Asi vachitaura mudare reparamende munguva pfupi yapera Amai Nzenza vakati hurumende iri kushushikana nekukwira kwemitengo uye vachashanda nemamwe mapazi ehurumende kuti vagadzirise nyaya iyi.

Asi vamwe vagari vanoti zvinoshamisa kuti hurumende inogara ichiti zvinhu zvakanaka munyika iyo mitengo ichikwira kudai.

VaLovemore Mashinga vanoti ivo nenyaya yekudhura kuri kuita zvinhu vave kutodya kashoma pazuva.

Vanoona nezve hupfumi hwenyika vanoti mitengo iri kukwira mumari yemunyika nekuti iri kukwikwidzana ne mari yekunze yakasimba yeku America iyo yave kubvumidzwa kutenga.

Nyaya ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG