Accessibility links

Breaking News

Vanhu vakawanda vange vachikwira mabhazi vachienda kunotambira zororo reEaster kunzvimbo dzakasiyana siyana, kunyange hazvo vanga vachichema nerekushaya mari.

Kunyange hazvo munyika vanhu vari kunetsekana kutora mari dzavo kumabhanga, change chiri chipata pata paMbare Musika vanhu vachikwira mabhazi vachienda kunzvimbo dzakasiyana siyana vachinoshanyira hama neshamwari.

VaSteven Masocha vaudza Studio7 kuti vange vakatarisira kuti zororo reEaster richanakidza zvikuru. Asi izvi zvichakundikana sezvo vasina mari yakawanda.

Mumwe mudzimai akwanisa kuenda kumusha kwake kuHurungwe, Amai Dorothy Jack, vati mushure mekutadza kuwana mari kubhanga kwavo, vakatozokwereta mari kuti vakwanise kuenda kuzororo.

Muzvare Nomatter Chiwenga vatiwo zvange zvakaoma kuti vakwanise kuwana mari nokuti vaimukira husiki kuti vanomira mumitsetse kubhengi kwemazuva akawanda kusvikira mari yavaida yakwana.

VaMambo Mandungu Mandedza varatidza kufara kuenda kumusha kwavo kwavakapedzesira kuenda makore masere apfuura. Vati kana vasvika kumusha kwavo vachauraya mombe kuti vafare nemhuri yavo pazororo reEaster iri.

Baba Trymore Muvhunza vanoti vana vavo vatadza kuuya kubva kuBuhera nepamusana pekushaya mari.

Asi Baba Gibson Chanakira vati vachazoenda kumusha kana zororo rapera sezvo vari mubishi rekutengesa zvinhu zvavo paMbare Musika.

Kunyange hazvo vamwe vanhu vakwanisa kuenda kuzororo reEaster, ongororo yaitwa neStudio7 yaratidza kuti vanhu vakawanda vatadza kufamba nepamusana pekushaya mari iyo iri kunetsa kutora kumabhanga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG