Accessibility links

Breaking News

Vagari Vorova Zvikonzi muBanket


Vagari vemuBanket varova nekutandanisa zvikonzi zvekanzuru izvo zvanga zvichida kutorera vagari midziyo yavo nemhosva yekutadza kubhadhara mari dzemvura nekutakura marara.

Paita bata murefu bata mupfupi apo vagari vemuBanket vaita chirwirangwe chekutandanisa zvikonzi zvekanzuru izvo zvanga zvichifamba nemotokari mbiri vachitora midziyo yevagari vane zvikwereti chekanzuru.

Mumwe mugari wekuBanket, VaCanias Tembo, vanoti vacharamba vachidzinga zvikonzi zvekanzuru nekuti kanzuru haina kutaura nevagari kuti ichatumira zvikonzi.

VaTembo vanoti kanzuru inofanirwa kunzwa matambudzi ari kutadzisa vagari kubhadhara mari dzinodikanwa nekanzuru.

VaTembo vanoti kanzuru iri kuda mari asi havasi kutakura marara uye muBanket munogara musina mvura nguva dzakawanda.

Mumwe mugari wemumusha unogara veruzhinji weKuwadzana, VaCharles Tom, vanoti kanzuru yaifanirwa kunge yakaendesa vagari kumatare kwete kutumira zvikonzi.

Amai Banda vanotiwo kanzuru iri kuda kuti vabhadhare mari inoita madhora makumi mana nemadhora manomwe pamwedzi paimba yavakapihwa muna 1960.

Amai Banda vanetsana nezvikonzi pavakumbira chenji pafiriji yavo yanga yoda kutor

Amai Banda vanoti vana vavo vari kunyimwa mabasa nekanzuru iyo vanopomera kuti iri kutora vashandi vayo kwaZvimba kumusha kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mumwe mugari wemuBanket ati anonzi Amai Christine, vanoti vanofunga kuti kanzuru iri kuda kuvatorera dzimba dzavakasiirwa nevarume vavo vakafa. Amai Christine vanoti nekuda kwemakore makumi matatu avagara vanofanirwa kupiwa dzimba nekanzuru.

Zvikonzi pazvarohwa nekutandaniswa zvaenda kumapurisa emuBanket avo vauya kuzochengetedza mukuru wekanzuru yeBanket, Amai Josephine Chapwati.

Studio 7 yatadza kutaura naAmai Chapwati sezvo hofisi yavo yanga yakachengetedzwa nemapurisa.

Kanzuru yeBanket yakapa basa kukambani inotevera zvikwereti yeStar Security mushure mukunge yaona kuti vagari vakawanda vainge vasingabhadhare mari yemvura nekutakurwa kwemarara.

Vagari vemuBanket vane zvikwereti zvinotangira pamadhora makumi maviri kusvika pazviuru zvishanu.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG