Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeZIBAWU Dzinoratidzira paBhanga reStanbic


zibawu
zibawu

Nhengo dzeZimbabwe Banks and Allied Workers Union (ZIBAWU) dzaratidzira muHarare pabhanga reStanbic riri muna Samora Machel dzichinyunyuta nekudzvanyirirwa kwadzinoti kuri kuitwa vanhukadzi nebhanga iri.

Vashandi vemumabhanga ava vanga vachinyunyuta nekudzingwa kwemumwe mushandi wechidzimai nebhanga reStanbic, Amai Verity Mutsamwira.

Amai Mutsamwira vaitungamirira sangano revashandi vekuStanbic.

ZIBAWU inoti ndivo vaive mukadzi wekutanga kumiririra vashandi vebhanga.

Vachitaura neStudio7 apo vanga vachiratidzira, Amai Bernice Maluleke, avo vanoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi muZIBAWU,vati nhengo dzavo dziri kunyunyuta zvikuru nekumbunyikidzwa kunoitwa kodzero dzemadzimai kubanga reStanbic.

Amai Maluluke vanoti Amai Mutsamwira vakadzingwa nekuda kwekuti vaimirira kodzero dzevashandi.

Imwe nhengo yeZIBAWU, MuzvareRumbidzai Choto, vati kutsikirirwa kwevanhukadzi pamabasa ndozviri kukonzera kuti vanhukadzi vasawana zvigaro zvepamusoro mumapazi akasiyana-siyana munyika.

Muzvare Choto vayambiro bhanga reStanbic vachiti rikasagadzirisa mabatiro ariri kuita vanhukadzi, sangano ravo richaramba richiratidzira.

Mutungamiriri weZIBAWU, VaFarai Katsande, vati vanoda kuti bhanga reStanbic ridzosere Amai Mutsamwira pabasa. VaKatsande vapomerawo bhanga iri mhosva yekuramba richidzvanyarira vashandi vakati izvi zvinofanirwa kuchinja sezvo nyika yakasununguka.

Vamwe vashandi vebhanga iri varamba kudomwa nemazita vati hutungamiriri hwebanga iri hauremekedzi vanhukadzi uye vanotsikirira vanhukadzi kuti vasawana hutungamiriri kana kusimukira pabasa ravo.

Nhengo dzeZIBAWU idzi dzakatozoenda kumatare edzimhosva kuti vapiwe mvumo yekuratidzira mushure mekunge mapurisa avarambidza.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebhanga iri sezvo vakuruvebanga iri vanga vasiri mumahofisi avo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG