Accessibility links

Breaking News

Vashandi vekuMabhanga Voramba Mihoro yeMadhora eMunyika


Vashandi vekumabhanga vahiratidzira. Vashandi ava vanoti vari kuda kubhadharwa mihoro yavo nemari yekunze.
Vashandi vekumabhanga vahiratidzira. Vashandi ava vanoti vari kuda kubhadharwa mihoro yavo nemari yekunze.

Vashandi vemumabhanga vanonzi vave kuramba mihoro iri mumadhora emunyika vachiti haina chaichatenga sezvo zvinhu zvizhinji munyika zvave kutengeswa nemari yekunze.

Mutungamiri wesangano rinomirira vashandi vemumabhanga reZimbabwe Banks and Allied Workers Union, ZIBAWU, VaTwanda Mutemi, vanoti vashandi vemumabhanga vari kuda kuti mihoro yavo inge iri mumadhora ekuAmerica, uye idzoserwe pamari dzavaitambira mua 2018 apo mushandi wepasi aitambira madhora mazana mapfumbamwe ($900.00) ekuAmerica pamwedzi.

VaMutemi vanoti vashandirwi vari kuda kuramba vakamira pachisungo chakaitwa muna 2011 chekuti mihoro inowedzerwa chete pachishandiswa inflation yegore rinenge richangobva kupera, icho vanoti hachichabatsira pachitariswa mamiriro aita nyaya dzehupfumi.

Vanotiwo nhaurirano nevashandirwi dzakapedzisira kuitwa gore rapera uye nyaya yavo yatove pamberi pebazi rezvevashandi nemabasa nekuda kwekusawirirana kuripo.

Studio 7 yaedza kubata mutungamiri wesangano revashandirwi reBank Employers Association of Zimbabwe, VaSimba Makombera, asi vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Asi VaMutemi vanoti vashandi vachatora hondo yavo vachienda nayo kumabhanga akasiyanasiyana vachiratidzira ikoko kusvika zvichemo zvavo zvanzwikwa.

Hurukuro naVaTawanda Mutemi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG