Accessibility links

Breaking News

Vashandi vemuMabhangi Vopa Vasevenzerwi Svondo Mbiri Dzekuti Vapamidzirwe Mari yeMihoro


VaPeter Mutasa
VaPeter Mutasa

Sangano rinomiririra vashandi vemumabhangi, reZimbabwe Banks and Allied Workers Union, rinoti rakapa vashandirwi masvondo maviri panyaya yekupamidzirwa kwemari yemihoro yevashandi.

Munyori wesangano iri uye vachitungamirawo Zimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vanoti vatambidza tsamba kuna sachigaro wesangano reBankers Employers Association of Zimbabwe, VaVictor Kwezera, vachiti vashandi vesangano ravo vanofanira kupamidzirwa mari sezvo muhoro wavo usina kukwidzwa kwemakore mashanu.

VaMutasa vanoti kana nhengo dzesangano ravo dzakasawedzerwa mari, dzicharatidzira pamabhangi dzisati dzaramwa mabasa.

“Vasevenzerwi takavazivisa kuti zviri pachena kuti muhoro unotambirwa nevashandi waderedzwa zvikuru nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu zvese muzvitoro, muzvikoro, nemuzvipatara nekuda kwekuti mari yedu yemabhondi yapedzwa simba zvakanyanyisa, uyezve zviri kuoneka kuti mitengo yanyanya kukwira zvikuru,” VaMutasa vanodaro.

“Gore rapera vakaita ‘profit’ inopfuura mamirioni mazana maviri emadhora saka kwemakore mashanu tange tichivati ipaiwo vashandi mari inogona kusvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, kana kuti 60%, kuti vashandi varerukirwe, asi ivo havasikuda. Vari kuda kuti vatipe 3.46%.”

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi revashandirwi panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG