Accessibility links

Breaking News

Magwaro eKuvhotera Odhindwa Vanhu Vose Vachiona neChishanu kuFidelity Printers


Independent Electoral and Boundaries Commission IEBC officials receive ballot papers for the repeat of the presidential election on Oct. 26, at JKIA airport in Nairobi, Kenya, Oct. 23, 2017.

Zimbabwe Electoral Commission, Zec, yakoka vese vachakwikwidza musarudzo dzegore rino kuti vazoona kudhindwa kwemagwaro ekuvhotera musarudzo kana ballots papers kuFidelity Printers neChishanu mangwanani.

Mapato mazhinji ari kupinda musarudzo audza Studio7 kuti akatanga kukokwa neChitatu manheru nemangwani eChina kuti atume nhumwa dzawo kuzoongorora kudhindwa kwemapepa ekuvhotera kuchaitwa nekambani yehurumende yeFidelity Printers.

Gurukota rezvemutemo zvakare vari vari kumirira mutungamiriri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo idzi, VaZiyambi Ziyambi, vati iri idanho ratorwa rekuratidza vanhu kuti Zimbabwe iri kuita sarudzo dzakachena pasina kubiridzira.

Vati izvi zvakakosha zvikuru sei zvichitevera mutauro wakabuda pasarudzo dza2013 wekuti mavhoti evanhu vaivhotera mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, aifamba achienda pana VaRobert Mugabe veZanu PF.

Vari kumirira mukuru weMDC Alliance, VaNelson Chamisa musarudzo idzi, VaJameson Timba, vaudza Studio7 kuti vachaenda mangwana kuti vadzivirire chikiribidi chakaitika musarudzo dzapfuura.

Vari kumirira mubatanidzwa wemapato ari muCoalition of Democracts, VaElton Mangoma, vanoti zvakanaka kukokwa kuzoona chiitiko ichi asi vanofunga kuti zvakakosha kuti dai patanga paitwa musangano wekubvumirana kuti ma ballot paper acho achange akamira sei.

Masangano anoshanda akazvimira akaita seElection Resource Center anotiwo akokwa neZec kuzoona kudhindwa kwemapepa aya.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vati zvakakosha zvikuru sei kana pachitariswa zvichemo zvemapato anopikisa.

Asi vati dai Zec yakatanga kubuda pachena kare zvikuru panyaya yekusarudza makambani achadhnda magwaro ekuvhotera.

Imwe nyanzvi munyanyaya dzekudhindwa kwezvinhu isina kuda kudomwa nezita yaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti vane chekuita nesarudzo idzi vavepo pakudhindwa kwepepa ekuvhotera vachiti zvinokwanisa kudzivirira zvimwe zvinhu zvinogona kuzokanganisa sarudzo.

Vati kana mari chaiyo ichidhindwa nemakoronyera, chii chinozotadzisa kuti magwaro ekuvhotera adhindwe zvisiri pamutemo.

VaGumbo vatiwo chimwe chakakosha kuchengetedzwa kwemapepa aya kana aching adhindwa pamwe nemafambisirwo awo kuenda nekubva kunzvimbo dzekuvhotera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG