Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Gore Vanhu Vairatidzira Vaurayiwa neMauto Gore Rapera


Mauto achisngurudza mumwe murume mumhirizhonga yakaitika musi wa 01 Nyamavhuvhu 2018.
Mauto achisngurudza mumwe murume mumhirizhonga yakaitika musi wa 01 Nyamavhuvhu 2018.

Zimbabwe yacherechedza gore rimwe chete mushure mekuurayiwa kwevanhu vatanhatu nemauto, vamwe vakawanda vachikuwadzwa, zvichitevera mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika musi wa 01 Nyamavhuvhu gore rapera.

Vanhu vakanga vapinda mumigwagwa muHarare vachiratidzira mushure mesarudzo dzemusi wa30 Chikunguru 2018, idzo dzainzi nevamwe kusanganisira vebato rinopikisa reMDC, dzaive dzisina kuchena.

Zvichitevera chiitiko ichi, hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakaumba komisheni yaitungamirwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, iyo yakaburitsa gwaro reongororo pamusoro penyaya iyi.

Komisheni iyi yakakurudzira kuti hurumende yaVaMnangagwa igadzirise zvinhu zvakawanda, kusanganisirawo kuti vane chekuita nekuurayiwa kwevanhu uku, vatorerwe matanho, uye mhuri dzevakaurayiwa nevakakuvadzwa, dziripwe.

Asi kusvika pari zvino zvinonzi hapana chati chaitwa, izvo zvinonzi nevamwe zvinoratidza kuti hurumende haina chayakadzidza pamhirizhonga iyi.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vaburitsawo mashoko ekurangarira zuva ranhasi iri, vachikurudzirawo kuti vane chekuita nekuurayiwa kwevanhu vatorerwe matanho, sezviri kukurudzirwawo neMotlanthe Commission.

Mukucherechedzawo zuva iri, bazi rezvekunze kwenyika muAmerica, razivisa kuti raisa pazvirango zvekufamba vaive mukuru wemauto akauraya vanhu ava, VaAnselem Nhamo Sanyatwe, nemudzimai wavo Chido Machona.

VaSanyatwe ndivo vakadomwa kuti vave mumiriri weZimbabwe kuTanzania, kuchitiwo mudzimai wavo ari iye mumiriri weNyanga North muparamende vachimirira Zanu PF.

Ukuwo, sangano reEuropean Union raburitsawo gwaro rekucherechedza zuva iri richikurudzirawo kuti zvakakurudzirwa ne Motlanthe Commission zvitevedzerwe.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reMDC, VaLuke Tamborinyoka, vanotiwo VaMnangagwa vanofanirwa kuremekedza zvakakurudzirwa neMotlanthe Commission zvekumisa pamberi pematare edzimhosva vose vane chekuita nekupondwa kwevanhu, kuitira kuti varatidze nyika kuti vari kuremekedza kodzero dzevanhu.

VaTamborinyoka vanoti kunyange hazvo VaMnangagwa vakasvika vachiti vakange vaunza hurumende itsva, kupondwa kwevanhu kuri kuramba kuchienderera mberi, zvichireva kuti zvese zvavaitaura izvi yaingove poda chete yekuzora kumeso, asi vachiziva zvavo kuti vachiri kuita sehurumende yakare.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yevechidiki mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti VaTamborinyoka havasi kutaura chokwadi chekuti bato ravo rasvitsawo gore raurayisa vanhu mumigwagwa.

VaMugwadi vanoti mugwaro reMotlanthe Commission imomo mune humbowo hwekuti bato reMDC ndiro rakakurudzira vana kuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira kunyange hazvo zvakabuda musarudzo zvakanga zvisati zvatoziviswa.

Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka pamwe naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG