Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vanodzima Moto paMuzinda weMorgan Richard Tsvangirai House


Morgan Richard Tsvangirai House
Morgan Richard Tsvangirai House

Vechidiki veMDC vakabvuta muzinda weMorgan Richard Tsvangirai muHarare vanoti pane vanhu vakaedza kupisa muzinda uyu neChina manheru.

Vhidhiyo nemapikicha avakaisa padandemutande nepa 'social media' anoratidza moto uchibaka pamusuwo pemuzinda weMDC uyu.

Vechidiki vakachengetedza muzinda uyu vakaudza Studio 7 kuti pane vanhu vakabatidza moto pamusuwo wemuzinda uyu asi ivo vakakwanisa kumisa moto uyu usati wapinda mukatikati memuzinda.

Mumiriri weHighfield West muparamende uye vari veMDC Alliance, VaHappymore Chidziva, vakatsinhira nyaya iyi vachiti vechidiki vakamhanyamhanya vakakwanisa kudzima moto.

Studio 7 haina kubata mapurisa neavo vanodzima moto kuti tinzwe zvakaitika asi mumwe wevechidiki vari mumuzinda uyu, VaWomberaishe Nhende, vakati zvinoratidza sekuti matayi emotikari akaiswa pumusuwo wemuzinda uyu akadirwa peturu ndokutungidzwa zvakakonzera kuti musuwo mukuru uvharwe nemoto zvekusashandiswa.

VaNhende vakati ivo nevamwe vavo vakakwanisa kudzima moto kuti usasvika mukati kati meimba inosvikira vanhu.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mapurisa kana vanodzimura moto kuti tinzwe zvaitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG