Accessibility links

Breaking News

Sangano ravanaChiremba reZADHR Roshora Mabatirwo eNhengo dzeZanu PF Dziri muHusungwa


VaIgnatius Chombo naVaKudzanai Chipanga vachibuda mudare redzimhosva
VaIgnatius Chombo naVaKudzanai Chipanga vachibuda mudare redzimhosva

Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rinoti riri kushushikana zvikuru nemabatirwo ari kuitwa vamwe vevaimbove vakuru-vakuru mubato re Zanu-PF, avo vakasungwa svondo rapera.

Munyori mukuru we sangano iri, Dr. Evans Masitara, vanoti sangano ravo rinoshora zvakasimba zvakaitwa nemauto nemapurisa kuvasungwa ava uye vari kuedza zvikuru kuti vapiwe mvumo yekuzvionera voga vasungwa ivavo sezvo vainzi havana kubatwa zvakanaka pavakanga vari muhusungwa, umo vanonzi vakashungurudzwa nokurohwa.

Dr Masitara vanoti zviri kuitwa nemapurisa kuvasungwa hazvibumidzwe nebumbiro yemitemo.

VaChombo, avo vari kupomerwa mhosva dzehuwori, vakasungwa pamwe nemunyori muboka revechidiki muZanu PF, VaKudzanai Chipanga, pamwe nemurongi wemisangano muboka revechidiki, VaInnocent Hamandishe.

VaChombo naVachipanga vari kumirirwa negweta rine mukurumbira, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, uye vari kutarisirwa kudzoka mudare nemusi weMuvhuro 27 Mbudzi.

Hurukuro Na Doctor Evans Masitara
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG