Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vanoshora Hurumende neKupararira kweCholera neTyphoid


kusatakurwa kwemarara muHarare kwokonzerawo kupararira kwezvirwere
kusatakurwa kwemarara muHarare kwokonzerawo kupararira kwezvirwere

Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rinoti kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakadoma gurukota idzva rinoona nezvehutano, hurumende nemakanzuru vane basa guru rinofanirwa kuitwa kurwisa chirwere che cholera.

Munyori mukuru wesangano iri, Dr Evans Masitara, vanoti zvirwere zviri kuramba zvichidzoka zvinogona kupedzwa naizvozvo hurumende inofanira kuisa nyaya yekuwanikwa kwemvura yakachena mberi kwezvinhu zvizhinji zvinofanirwa kuitwa.

“Tirikuona zvirwere zvemanyoka zvakaita se cholera ne typhoid gore negore zvirikuramba zvichitora hupenyu hwevanhu,” Dr Masitara vakaudza Studio 7. “Isu vesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu tinofunga kuti mugore rakaita sa2018, hatingarambi tichiwana vanhu vanorasikirwa nehupenyu nekuda kwezvirere zvinodzivirika.”

Sangano iri rinoshora maitiro ehurumende nemakanzuru mukugadzirisa matambudziko akatarisana nevanhu richiti vanofanira kuisa hupenyu nehutano hwevanhu pamberi. Hurumende mubhajeti yagara ichipa bazi rezvehutano mari shoma zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG