Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vanoshora Kushandiswa KwePfuti Pakumisa Kuratidzira


Vanhu vakapinda mumigwagwa nhasi vachiratidzira kukwidzwa kwemafuta emotikari

Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, ZADHR, rashora zvikuru hurumende mukushandiswa kwemabara nemapurisa nemauto mukuedza kumisa vanhu vari kuratidzira.

Vanhu muHarare, Epworth, Chitungwiza nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza Harare neBulawayo vavhara migwagwa vachipisa matayi emota vachiratidza kutsutsumwa kwavo nekukwidzwa kwakaitwa mafuta emotikari mazuva maviri apfuura.

Mutauriri ZADHR, Dr Fortune Nyamande, vaudza Studio 7 kuti vanachiremba vesangano ravo riri kurapa vanhu vazhinji vakuvadzwa mukuratidzira uku.

Vaenderera mberi vachiti pane vakuvara, pane vamwe gumi nevatatu vanyanya kukuvadzwa kupfuura vamwe uye vari kutovhiyiwa muzvipatara. Hatina kukwanisa kubata vatauriri vemapurisa nemauto kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG