Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Yoenda kuMatare Ichida Kuti ZEC Ibvumidze Varairidzi Vachashanda Kusarudzo Kuvhota Vari Pavanoshandira


Sangano revarairidzi vekumaruwa, reARTUZ

Magweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights, anoti achaendesa mapepa kumatare edzimhosva neChipiri akamiririra sangano revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, iro rinoda kuti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, ipe vadzidzisi vachange vachishandira komisheni iyi munguva dzesarudzo mukana wekuvhota kunzvimbo dzavanenge vachishanda vari pazuva resarudzo.

Gweta riri kufambisa nyaya iyi, VaDenford Halimani, vanoti ZEC haina kupindura tsamba yayakanyorerwa ne ARTUZ mwedzi wapera maererano nenyaya iyi zvinove zvakonzera kuti sangano iri riende kumatare kuti nyaya iyi inzwikwe zvechimbichimbi.

Izvi zvinotevera mutemo wesarudzo wekuti munhu anofanirwa kuvhota ari panzvimbo yaakanyoresa chete, izvo zvinonzi nesangano iri zvichaita kuti varairidzi vachashanda neZEC mukuvhotesa vanhu vange vasiri kunzvimbo dzavanofanirwa kuvhota vari.

Hurukuro naVaDenford Halimani
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG