Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Yaunganidza Mazita Mazhinji Evarairidzi Vainoda Kudzinga Basa


Obert Masaraure

Sangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ), rinoti hurumende yaunganidza mazita evarairidzi vazhinji vesangano ravo vainoda kudzinga basa pamusoro pekuramwa mabasa kuri kuitwa nenhengo dzesangano iri.

Mutungamiriri wesangano iri, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vazhinji vane mazita anyorwa pasi nehurumende varairidzi vesangano ravo vanoshandira kuMidlands.

VaMasaraure vati kana hurumende ikasagadzirisa zvichemo zvevarairidzi, nhengo dzesangano ravo dzicharamba dzichiramwa mabasa panovhurwa zvikoro gore rinouya.

Varairidzi vari pasi peARTUZ vave nemazuva anopfuura makumi maviri kubva zvavatangidza kuramwa basa vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvichemo zvavo.

Vati zvekare vanovimba kuti panovhurwa zvikoro gore rinouya, vane tarisiro yekuti hurumende inenge yagadzirisa zvichemo zvavo kuti varairidzi vaite basa ravo zvakanaka.

VaMasaraure vati sangano ravo richatsigira nekubatana nesangano reApex Council iyo yati icharatidzira nemusi weChitatu kuti hurumende inzwe zvichemo zvevashandi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG