Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano eVarairidzi Ozivisa nezveKuramwa Mabasa kweVarairidzi Kutanga Muvhuro


Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure.
Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure.

Mamwe masangano anomirira varairidzi anoti nhengo dzawo dziri kutanga kuramwa mabasa mangwana dzichida kuti hurumende itarisise mihoro yadzo, sezvo mari dzavari kutambira pari zvino dzisisarevi chinhu.

Mutungamiri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure vanoti nekuda kwekuoma kwehupenyu, nhengo dzavo hadzichakwanisa kunge dzichienda kumabasa kwemazuva matatu svondo rino.

VaMasaraure vanoti pari zvino varairidzi vari kutambira mari yakaenzana nemadhora makumi manomwe nemashanu emari yekuAmerica pamwedzi, ivo vachida madhora mazana mashanu ekuAmerica pamwedzi kuti vararame.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rimwe sangano rakazivisa kuti richapindawo mukuramwa mabasa kutanga Muvhuro ndereProfessional Educators Union of Zimbabwe.

Progressive Teachers' Union of Zimbabwe inoti ichamboda kutanga yatevera hurongwa hunosungirwa pamutemo isati yapinda mukuramwa mabasa.

Kunyange hazvo hurumende yakazivisa kuti ichawedzera vashandi vayo mari dzemihoro kuitira kuti vafambidzane nekukwira kwezvinhu, masangano aya anoti aneta nekuvimbiswa zvinhu zvisingazopi michero. Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvemabasa nevashandi, Amai Sekai Nzenza.

Sachigaro vesangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, Amai Cecilia Alexander vanoti havashori varairidzi vave kupinda mukuramwa mabasa nekuti hupenyu hwavaomera zvakanyanya.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG