Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Inoti Haivimbi neAPEX Council paNyaya yekuMiririra Vadzidzisi


Mutauriri weARTUZ, Choose Kasongo

Rimwe Sangano revadzidzisi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti hari vimbi nesangano rinomiririra vanoshanda pasi pehurumende, reAPEX Council, richiti hapana chinobuda muhurukuro dzakaitwa nezuro pakati pesangano iri nehurumende.

Mutauriri we ARTUZ, VaChoose Kasongo, vaudza Studio 7 kuti APEX Council inobvumirana nezvizhinji zvinotaurwa kana kudiwa nehurumende ichikanganwa kuti ine vanhu vainomiririra, naizvozvo haigoni kumiririra vashandi vemuhurumende.

“Hurumende chairi kuita ndechokuti iri kushandisa nzira yekupatsanura vashandi vachida kunzwa zvavanoda ivo kuteerera asi vasingadi kunzwa shuviro dzevashandi,” VaKasongo vaudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachiti, “APEX Council, takaitarisa isusu, tinoona kuti inodana vanhu vainoziva kuti vanotaura zvinotsigira hurumende iripo vasingade kunzwa zvinyunyuto zvevashandi.”

VaKasongo vanoti izvi ndizvo zvakaita kuti vadzidzisi vaumbe rimwe sanagano ravo reFederation for Zimbabwe Educators Union (FOZEU) kuti vakwanise kutaura nyaya dzavo kwete kusanganiswa nevamwe vasina shungu dzekugadzirisa zvinonetsa vadzidzisi.

Hatina kukwanisa kubata mukuru weApex Council Amai Cicilia Alexander kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG