Accessibility links

Breaking News

Vashandi Vanoti Vari Kubatwa Kwiyo paChirongwa cheGEMS


VaObert Masaraure

Zvichitevera kuparurwa kwehomwe yevashandi vehurumende yekuchengeta mari, yeGovernment Employees Mutual Savings Fund (GEMS), iyo yakaumbwa muna Kukadzi gore rapfuura, vamwe vashandi vehurumende vanoti havasi kufara nezvakaitwa nehurumende pamusoro penyaya iyi.

Hurumende inoti homwe iyi ichange ichipindwa nevashandi vanoda zvavo uye vashandi ava vachange vachibatirwa zvikamu zviviri nezviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 2.5% yemuhoro mwedzi wega wega.

Hurumende inoti chinangwa chehomwe iyi ndechekubatsira vashandi vachiri pamabasa neavo vave pamudyandigere.

Asi rimwe sangano rinomirira varairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) rinoti vashandi havana kuudzwa zvakakwana kana kubvunzwa pamusoro pechirongwa ichi.

Sangano iri rinotiwo harifari nemabatiro anoitwa mari dzevashandi nehurumende.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti chekutanga ndechekuti vashandi vaifanirwa kupihwa mukana wekupa pfungwa dzavo pachirongwa ichi chisati chaumbwa.

VaMasarure vanotiwo panotanga chirongwa ichi, mushandi wese anobatirwa mari inoenda kuhomwe iyi. Kana achida kuramba ari nhengo anongozvisiya zvakadaro.

Asi kana mushandi asingadi kuva muchirongwa ichi, anomanikidzwa kunyorera kuhomwe iyi achiti haasi kuti kupinda muchiri panguva iyo mari yake inenge ichibatwa nehurumende kudzamara homwe iyi yamubvisa muchirongwa ichi.

Tatadza kubata gurukota rinoona nezvevashandi, VaPaul Mavima, uye vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo, asi taita hurukuro naVaMasaraure.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG