Accessibility links

Breaking News

VaMasaraure Vanoti Havasi Kuzorega Kurwira Mihoro Yakakwana yeVarairidzi


VaObert Masaraure, veAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe
VaObert Masaraure, veAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe

Mutungamiriri wesangano rinomiririra varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, avo vakapambwa nevanhu vatanhatu pakati pehusiku, vanoti vakarohwa zvakaipisisa, uye vakatorerwa mbatya dzavainge vakapfeka.

VaMasaraure vanoti vakakuvadzwa mumusoro, kumusana, maoko nemakumbo, vachiti vamwe vevanhu vakavapamba ndevamwe vechikwata chakambovapamba muna Ndira gore rino, vachiti izvi hazvisi kuzovadzorerwa sure mukurwira kodzero dzevarairiridzi.

VaMasaraure vanoti hurumende yave kutora vanorwira kodzero dzevashandi sevavengi vachiti hapana anoda kupidigura hurumende asi kuti vanhu vanoda kuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo.

VaMasaraure vaudza Studio7 kuti vaudzwa navana chiremba kuti vambozorora kuenda kubasa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe pamire hurumende panyaya yekupambwa kwava Masaraure sezvo vanga vasingadaire nharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG