Accessibility links

Breaking News

Mamwe Masangano eVarairidzi Anonyorera Mutungamiri weNyika Tsamba Achisvitsa Zvichemo zveVarairidzi


Nhengo dzeARTUZ dzapindawo mumigwagwa dzichiratidzira pamwe nekusiya magwaro enyunyuto kumahofisi emutungamiri wenyika.
Nhengo dzeARTUZ dzapindawo mumigwagwa dzichiratidzira pamwe nekusiya magwaro enyunyuto kumahofisi emutungamiri wenyika.

Nhengo dzerimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, dzapinda mumigwagwa dzichiratidzira pamwe nekusiya gwaro renyunyuto kumahofisi akasiyanasiyana richikurudzira hurumende kuti igadzirise zvinyunyuto zvevarairidzi.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vanoti gwaro iri, iro ranyorerwa kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, rasiiwa muzvikoro, kubazi redzidzo, kubazi revashandi nemabasa, pamwe nekumahofisi emutungamiri wenyika, uye rine zvinyunyuto zvitatu zvanoda kuti zvikasike kugadziriswa nehurumende.

VaMasaraure vanoti zvichemo zvavo zviri pamusoro pemihoro yavo iyo vanoda kuti idzoserwe pamari dzavaitambira muna 2018, kuchengetedzeka kwehutano hwevarairidzi nevadzidzi muzvikoro kubva kuCovid-19, uyewo kuti hurumende ibatsire vana vasiri kukwanisa kubhadhara mari dzechikoro kuburikidza nekuvaisa muchirongwa che Basic Education Assistance Module, BEAM.

Izvi zviri kuitikawo panguva iyo masangano evarairidzi manomwe ari pasi pemubatanidzwa we Federation of Zimbabwe Education Unions (FOZEU) anyorawo gwaro kuna VaMnangagwa achiti ari kushushikana nekuparara kwaita zvinhu muzvikoro, uye kwaanoti kushaya han;ya kwehurumende kugadzirisa nyaya dzemihoro yevarairidzi.

VaMasaraure vanoti kana hurumende yakakundikana kugadzirisa zvichemo zvavo vacharambawo vachingoratidzira.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima kuti tinzwewo divi ravo.

Asi neSvondo VaMavima vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti hurumende iri kugadzirisa zvichemo zvevashandi vayo zvemihoro, vachiti iri kuronga kuvapa zvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana kubva mwedzi uno kusvika muna Chikumi.

Vamiriri vevashandi vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions svondo rapera vakaramba kutambira zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana zvakanga zvaiswa patafura nehurumende.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro vanoti varairidzi havafanirwe zvavo kutya kudzokera kumabasa nekuti bazi ravo rakaisa hurongwa hwekudzivirira kupararira kwehutachiwana hweCovid-19 muzvikoro.

VaNdoro vanotiwo hurumende yagara ichibatsira vana vanotambura kuburikidza nehomwe yeBEAM saka hazvisi zvinhu zvingatadzisa varairidzi kudzokera kumabasa sezvo paine hurongwa hwekubatsira vanoshaya nechakare.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTaungana Ndoro
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG