Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, Vanosungwa neMapurisa


Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanonzi vasungwa vachipomerwa mhosva yekutungamira kuratidzira kwevarairidzi kuMasvingo.

Mutungamiri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, vasungwa nemapurisa neChishanu vachipomerwa mhosva yekuve nechekuita nekuratidzira kwakaitwa nenhengo dzavo kuMasvingo nemusi weMuvhuro dzichida kuti hurumende idzipe mihoro yadzo nemari yekuAmerica.

Munyori mukuru wesangano reARTUZ, VaRobson Chere vanoti VaMasaraure vashevedzwa mangwanani nemapurisa edivi reLaw and Order muHarare vachinzi vanoda kubvunzurudzwa nezvekuratidzira uku, asi pavasvika pakamba yeHarare Central Police Station vawana vakamirirwa nemapurisa ekuMasvingo, ayo abva angovatora ndokuenda navo.

VaChere, avo vambobvunzurudzwawo nemapurisa panyaya yekupambwa kavakamboitwa gore rapera, vanoti vaudzwa negweta raVaMasaraure kuti vacharara muchitokisi vachitarisirwa kumiswa pamberi pedare Mugovera kwakare kuMasvingo.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Nhengo dzeARTUZ dzakaratidzira dzichida kuti dzipiwe mihoro yadzo nemari yekuAmerica inoita mazana mashanu nemakumi maviri emadhora pamwedzi.

Hurukuro naVaRobson Chere
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG