Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanopfeka Zvitsvuku Vachinyunyuta Mabatirwo Avari Kuitwa neHurumende


Vadzidzisi vekumaruwa veARTUZ
Vadzidzisi vekumaruwa veARTUZ

Nhengo dzesangano revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers of Zimbabwe, ARTUZ, dzashanda dzakapfeka mbatya tsvuku senzira yekuratidzira kunyunyuta kwadzo nekusateererwa kwadzinoti dziri kuitwa nehurumende pazvichemo zvevarairidzi.

Mutungamiri wesangano iri, Va Obert Masaraure, vanoti sangano ravo riri mubishi kuita misangano nenhengo dzavo kuitira kuti kana hurumende ikaramba isingateereri zvichemo zvavo vagombomira mabasa kusvika zvichemo zvavo zvanzwikwa.

“Chakaita kuti titadze kumborega mabasa inyaya yekuti takange tisina kutaurirana hurongwa hwedu zvakakwana saka ikozvino tiri kuronga nenhengo dze,” VaMasaraure vakaudza Studio 7. “Izvozvi ndiriparwendo kunoronga nevamwe vedu mudunhu reHwedza uko kwatiri kutarisira kuti kuchauya vadzidzisi makumi maviri kubva kuzvikoro zvakasiyana siyana vagobatsira kutaura nevamwe vasina kuuya. Tiri kufara nezvatiri kunzwa kuti vanhu vari kusangana vachisunga zvisungo vachienderera mberi vachisimbisa vanhu pazvirongwa zvatiri kuronga.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG